Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa varamba mashoko ekuti hurumende yavo iri kutora ivhu.
VaRamaphosa vataura izvi neMuvhuro apo vapindura mashoko emutungamiri weAmerica, VaDonald Trump ekuti vachamisa rubatsiro rwunopiwa South Africa neAmerica kana hurumende yeSouth Africa yakaenderera mberi nekutora minda.
Vavimbisa kuti vanotarisirwa kugara pasi naVaTrump vachizeya nekujekeserana nezve nyaya iyi.
Vatiwo nyika yavo haina rubatsiro rwakanyanya rwainowana kubva kuAmerica kunze kwemari yekurwisana neHIV/AIDS, iyo vati inosvika zvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana chete pamari inodiwa yose yekurwisana nedenda iri.
VaTrump vakazivisa neSvondo nezvehurongwa hwekuda kumisa rubatsiro kuSouth Africa vachiti vachamisa rubatsiro rwese mune remangwana kusvikira paitwa ongororo izere nezvenyaya yekutorwa kwevhu iyi.
Nyanzvi mune zvehupfumi vari mukuru weUnderhill Corporate Solutions, Doctor Eddie Mahembe, vanoti maonero avo ndeekuti nyika dzichatombogadzirira zvakasimba kutambira shanduko dziri kuunzwa nemutungamiri weAmerica VaDonald Trump, dzinosanganisira kumisa rubatsiro nezvimwe.
Doctor Mahembe vanoti kana VaTrump vakamisa rubatsiro kuSouth Africa kana kuti vakamisa kudyidzana kwenyika mbiri idzi, izvi zvinogona kutokanganisa nyaya dzehupfumi mudunhu rose reSADC, nekudaro nyika dzemudunhu iri dzinofanirwa kugara pasi voona kuti vagadzirisa hukama hwavo neAmerica.
Mugore ra2023, America yakabatsira nemari inoda kusvika kumamiriyoni mazana mana ane makumi mana emadhora ekuAmerica.
Magwaro ehurumende yeAmerica anoratidza kuti mamiriyoni mazana matatu ane gumi nemashanu emadhora emari iyi akaenda kuzvirongwa zvekurwisana neHIV/AIDS. VaRamaphosa mwedzi wapera vakasaina kuve mutemo bhiri rinoita kuti zvive nyore kuhurumende kutora minda kana zvichibatsira veruzhinji, zvisineyi nekupikisa kuri kuita mamwe mapato ari muhurumende yemubatanidzwa wavo.
Mutemo uyu une chinangwa chekugadzirisa kusaenzana kwemikana pakati pemarudzi pakuve varidzi vevhu kuri kuramba kuripo makore makumi matatu mushure mekupera kwerusaruraganda muna 1994.
Forum