Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau Blessed Mhlanga Ambodaidzwa Kukamba yeMapurisa muHarare


Mapurisa nhasi ambodaidza kukamba kwavo mutori wenhau Blessed Mhlanga anoshanda neAlpha Media Holdings inodhindisa mapepa nhau anoti Newsday, The Standard, Zimbabwe Independent nenhepfenyuro yeHeart and Soul TV Zimbabwe.

Mhlanga anoti mapurisa ange achimubvunzuridza nezvekumborohwa kwaakaitwa muna 2018 nevaive mutevedzeri wegurukota rezvemari VaTerrence Mukupe.

VaMukupe avo vari mujeri mushure mekubatwa nemhosva yekuita huori vakarova Mhlanga apo vaviri ava vainge vari panhepfenyuro yeSFM vachitaura nezvenyaya yainge yanyorwa nebepanhau reNewsday yekuti VaMukupe vainge vati vaive mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa havaizotungamira nyika sezvo vasina kurwa hondo yerusungunuko.

Mhlanga mazuva apera ange achiita hurukuro nevakarwa hondo vamwe vari kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasiye basa nekuti vakonewa.

Patabvunza Mhlanga kuti kudaidzwa kwake hakunei nenyaya iyi here angoti pane vamwe vari kufona vachimutyisidzira asi ati haasi kuzoregedza kuita basa semutori wenhau.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG