Washington DC —
Mitumbi yevanhu makumi maviri nemitanhatu inonzi ichiri murwizi Potomac zvichitevera kubonderana kwendege nechikopokopo chemauto pedyo neRonald Reagan National Airport muWashington DC.
Mukuru wevanobatsira panenge paitika njodzi veD.C. Fire and EMS VaJohn Donnelly vaudza vatori venhau kuti mitumbi makumi mana nemumwe yange yaburitswa mmvura.
Asi kuburitsa vasara kunenge kwakunetsa sezvo vamwe vanofungidzirwa kuti vakatsikirirwa pasi pemvura nezvipenga zvendege.
Basa rekuferefeta chakakonzera tsaona iyi riri kuenderera mberi.
Mumwe mugari wemuguta reWashington DC uye ari chizvarwa cheZimbabwe VaFrenk Guni vaudza Studio 7 kuti, "Tiri kutarisira kuti hurumende iite zvese zvainokwanisa kuti njodzi yakadai isaitike zvakare.”
Forum