Accessibility links

Breaking News

Vari Kuzviti Mambo Munhumutapa Vapihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Munhumutapa
Munhumutapa

Mutongi wedare repamusoro Justice Mushure vapa mukana wekubvisa mari yechibatiso VaTimothy Chiminya avo vakasungwa mushure mekuzviti ndivo Mambomunhumutapa ndokutanga kugadza madzishe mumatunhu akasiyana siyana.

Vakasungwa musi wa16 Zvita vakapomerwa mhosva yekuzvidza nekutora masimba emutungamiri wenyika.

Gweta ravo VaGift Mtisi vanova nhengo yesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti VaChiminya vanzi vabhadhare madhora mazana maviri uye kusabva pavanogara vachienda kune dzimwe nzvimbo vasina mvumo yemapurisa.

VaChiminya vanonzi vakabvisa Ishe Seke, VaStanely Chinamikire vakagadza VaMasimba Rubatika zviri kunze kwemutemo.

Kubva muna Kukadzi kusvika muna Gumiguru gore rapera, VaChiminya vari kupomerwa mhosva yekubvisa madzishe nekugadza mamwe zviri kunze kwemutemo kuMasvingo neMidlands.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG