Vakuru vehurumende muWashington DC vanoti hapana kana munhu mumwe chete akapona mushure mekubonderana mudenga kwendege yeAmerican Airlines nechokopokopo chemauto pedyo nenhandare yeRonald Reagan National Airport muWashington DC.
Ndege iyi yainge iine vanhu makumi matanhatu nevana kana kuti 64 ukuwo chikopokopo chiine mauto matatu.
Vachitaura nevatori venhau kumuzinda weWhite House muWashington DC, mutungamiri wenyika VaDonald Trump vati ndege iyi nechikopokopo zvinenge zvange zvichibhururuka sezvinotarisirwa asi havazive kuti chii chakazoitika vachiti zviri kuferefetwa.
VaTrump vati vanhu vambonyararewo kwenguva pfupi semucherechedzo wekuchema nekurangarira vafi. VaTrump vashorawo vakambotungamira nyika VaBarack Obama naVaJoe Biden vakapinza basa kune zvemafambiro endege vasina ruzivo rwakakwana.
Chikopokopo nendege izvi zvakadonhera murwizi, Potomac.
Vanotsvaga vanhu vanenge vanyura mumvura vari mushishi kuyedza kuburitsa mitumbi yevanhu vakashaya.
Mukuru anoona nezvenjodzi muWashington, D.C. Fire and Emergency Services VaJohn Donnelly vanoti vakaudzwa nezvenjodzi iyi nenguva dza 8:48 manheru.
VaDonnely vanoti vakashanda husiku hwose kuyedza kubatsira vanhu ava.
Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaSean Duffy vanoti zvikopokopo nendege zvagara zvichipesana mudenga muWashington DC. Asi vati veNational Traffic Safey Board – NTSB – vari kuferefeta kuti sei pakazoita tsaona.
Mumashoko kuvatori venhau, gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika muAmerica VaPete Hegseth vati mauto aya ange achidzidzira kubhururutsa chikopokopo uye ndeepakamba yemauto yeFort Belvoir muVirginia.
Maseneta edunhu reVirginia VaTim Kaine naVaMark Warner vanoti vakamboyambira kuti ndege dzawandisa panhandare yeRonald Reagan National Airport asi hapana akazviterera.
Sangano reU.S. Figure Skating rinoti vatambi vakawanda nemhuri dzavo kusanganisira varairidzi vainge vari mundege iyi pamwe nevamwe vekuRussia.
Hurumende yeRussia inoti shasha dzemutambo wefigure skating Evgenia Shishkova naVadim Naumov vainge vari mundege iyi.
Forum