Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hurumende iri mushishi kutsvaga makambani nemidziyo zvaingatengese kuti ikwanise kubhadhara chikwereti chayo chemabhiriyoni makumi maviri nerimwe kana kuti US $21 billion.
VaNcube vakataura mashoko aya nebepanhau reBusiness Times vachiti zvikwereti zvave kukanganisa hupfummi zvakanyanya.
Zimbabwe yave nemakore ichitadza kubhadhara World Bank, the African Development Bank (AfDB), veParis Club nevamwe mari dzayakakwereta. Chikwereti ichi chiri kuramba chichibereka. Nabhanga aya nenyika dzakawanda dzave kuramba kukweretesa Zimbabwe mari.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zviri kuda kuitwa naVaNcube kuda kutengesa mapedza zvavanoti hazvina nemusoro.
Forum