Accessibility links

Breaking News

Kukandirana Makobvu neMatete Koenderra Mberi muZanu-PF


Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi mubato reZanu-PF pakati pevari kutsigira kuti bumbiro remitemo rivandudzwe kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varambe vari panyanga nevari kuda kuti vasiye chigaro nekuti vakundikana.

Nezuro gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaJenfan Muswere vakakurudzira kuti nhengo dzebato dzisakwire pachuru asi kuti dziite nhaurirano mune zvakanaka. Vakashora vavakati vari kushora vatungamiri vebato.

Vamwe varwi verusungunuko vakaudza vatori venhau kuti VaMnangagwa vave kufanira kusiya basa ikozvino kana kuti vachatorerwa matanho avasina kutaura.


Asi mamwe makurukota muhurumende ari kunzi ari kupesvedzera kunetsana kusanganisira gurukota rezvematunhu VaDaniel Garwe vakaudza vatsigiri vebato kuti vari kuda kuti VaMnangagwa vasiye basa vane madhimoni.

Rimwe gurukota Amai Tatenda Mavetera vebazi rezvehumhizha nehumhetura vari kushorwa nekutungamira kuimbwa kwekambo kekuti, "Mupanduki mupanduki nguva yakwana, chera mwena" zvinoonekwa nevamwe sekunyomba mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nevatsigiri vavo. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaGarwe naAmai Mavetera.


Muhurukuro neStudio 7, mumwe ari kutsigira kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga VaDavid Masomere vakati hapana chiri kuzomisa kuvandudzwa kwebumbiro remitemo nekuti ndizvo zviri kudiwa nevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi imwe nhengo yebato iri VaJeremiah Nyokayemabhunu vaudza Studio 7 kuti rave “Gore reGudo Guru” vachireva mutupo waVaChiwenga. Vanoti VaMnangagwa vatungamira kubva muna 2017 vachiri huori hwanyanya munyika uye nyika yananga kumawere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG