Mutungamiri wenyika yeDRC VaFelix Tshisekedi havana kuzoenda kumusangano wange wakokerwa nemutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto kuyedza kugadzirisa kurwisana kunotyisa muGoma.
Musangano uyu wange uchifanira kuitwa nhasi kumucheto wemusangano wezvemhoando dzemoto uri kuitirwa kuTanzania. Asi VaTshisekedj vanonzi vati havangafambe nemamiriro akaita zvinhu muGoma.
VaTshisekedi vange vachifanira kupinda mumusangano uyu nemutungamiri wenyika yeRwanda VaPaul Kagame. Rwanda iri kupomerwa mhosva yeklutsigira chikwata cheM23 icho chiri kurwisa muDRC uye chakatora nzvimbo dzakawanda muguta reGoma.
VaRuto vakazivisa svondo rino kuti vatungamiri vaviri ava vange vabvuma kupinda musangano uyu. Kusaenda kwaVaTshisekedi kunonzi kuchapa kuti kumisa hondo kunetse.
Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Muzvinafundo Amon Murwira vati SADC ichaita musangano wechimbichimbi muHarare kuyedza kutsvaga nzira dzekupedza hondo iyi.
Nyika dzemuSADC dzinoti South Africa, Tanzania neMalawi dzakatumira mauto kuDRC. Mauto eSouth Africa mapfumbamwe nematatu ekuMalawi akaurayiwa muDRC apo chikwata cheM23 chairwisa muGoma.
Forum