Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstat yazivisa nhasi kuti mitengo yezvinhu yakakwira zvakanyanya mumari yeZiG nedhora rekuAmerica.
MumaZiG mitengo yezvinhu yakwira kusvika pazvikamu gumi nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 10.5% kubva pazvikamu zvitanhatu nezviga zvisere kubva muzana kana kuti 6.8 muna Zvita.
Pachitariswa kukwira kwezvinhu mumari yekuAmerica, zvinhu zvakwira nezvikamu gumi nezvina nezvigazvitanhatu kubva muzana kana kuti 14,6% kubva pazvikamu zviviri nezviga zvishanu kana kuti 2.5% muna Zvita. ZIMSTAT inoti zvinhu zvakwira ndezvekudya, zvinwiwa nedzimba.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vaudza Studio 7 kuti kuwedzerwa kwemitero nebazi rezvemari uye nzara yakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura ndizvo zvave kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu.
Forum