Sangano rinomirira vezvitoro zvikuru munyika, reConfederation of Zimbabwe Retailers , (CZR), rinoti riri kushushikana zvikuru nekuvhara kuri kuita zvitoro zvikuru uye riri kukurudzira hurumende kuti ipindire kuitira kuchengetedza boka rezvekutengesa izvi risati ravhara zvachose.
Sangano iri rakaburitsa gwaro neSvondo richichema nekuvhara kwezvitoro zvikuru zvinosanganisira N. Richards Group yekuTynwald, Spar yekuQueensdale, Choppies yekuBulawayo uye zvimwe zvitoro zveMahommed Mussa.
Vezvitoro zvikuru vanoti vari kumanikidzwa kukwikwidzana nevezvitoro zvidiki zvisiri kubhadhara mitero, uye vanonzi vari kupinza zvinhu munyika zviri kunze kwemutemo vasingabhadhare mitero.
Zvichakadaro, hurumende inonzi nesangano renhau reNewsWire yaburitsa gwaro remutemo wechimbichimbi kana kuti Statutory Instrument, riri kutara zvinhu zvinonzi zvinenge zvapinzwa munyika zviri kunze kwemutemo kana pasina magwaro anoratidza kuti zvakabhadharirwa mutero.
Zvinhu zvatarwa mugwaro remutemo wechimbichimbi iri zvigadzirwa gumi nezvipfumbamwe zvinosanganisira zvinwiwa zvinodhaka nezvisingadhaki, simende, mbatya, bhutsu, shuga nemupunga.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology muSouth Africa, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kuvharwa kwezvitoro kuri kuonekwa iye zvino ndiwo mubairo wenyonganyonga yezvematongerwo enyika iri munyika pari zvino.
"Confidence munyika hamuna. Vanhu vakapera simba, vanhu vakapera rudo, vanhu vakapera mweya."
Muzvinafundo Mugano vanoti kudonha kwesimba remari yemunyika mucherechedzo wedambudziko guru rekuti munyika hamuna hurumende ine hudzamu hwekutungamira nyika inotambirwa nekutendwa nevanhu.
Forum