Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muZanu-PF Kwotanga Kubuda Pachena


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu-PF mave kuratidza kuti mave nezvikwata zviviri chimwe chiri kutsigira mutungamitri wenyika VaEmmerson Mnangagwa chimwe chichitsigira mumwe mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga.

Izvi zvabuda nhasi pakuradzikwa kwegamba renyika VaJustine Mupamhanga kumarina eHeroes Acre. Vanotsigira VaChiwenga vange vachiimba nziyo dzekuvarumbidza ukuwo vamwe vari kutsigira VaMnangagwa vange vakapfeka hembe dzekuti varambe vari panyanga.
VaChiwenga vadzokorora mashoko avo ekushora huwori hwavanoti hwauraya nyika.
“Our vision 2030 is for all of us.” Vawedzera vachiti, “Kwete dzamunoti mbinga, kuhondo taidziti zvigananda. Zvehubvanzu bvanzu kudya kwemhumi takazviramba.”
Mashoko avaChiwenga aya ari kuuya panguva iyo iyo vamwe vakarwa hondo vakaudza vatori venhau nezuro kuti munyika manyanya huori nekudaro VaMnangagwa vave kufanira kusiya basa.
Nhengo yeZanu PF Central Committee uye sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaBlessed Geza Geza vakatsoropodza zvikuru VaMnangagwa vachiti vatadza kutungamira nyika.
“Tinokukumbira kuti, ibva murunyararo, nekuti ukasabva murunyararo, vanhu vachashandisa bumbiro remutemo kuita zvavanokwanisa maringe nebumbiro remutemo kuti uende,” VaGezi vakaudza vatori venhau.

Chimwe chikwata chevakarwa hondo chaitawo musangano nevatori venhau muHarare chikakurudzirawo kuti VaMnangagwa vasiye masimba.

Vachitaurawawo neStudio 7 kumucheto wemusangano uyu, muimbi ane mukurumbira uye ari murwi wehondo yerusungunuko VaClive Malunga vati hapana chakagonekwa naVaMnangagwa chingakodzera kuti vanzi varambe vari pachigaro.

Vati, “Imbonditauriraiwo zvavakavamba President zvamunoti toda kuti vapedzise.” Vatizve, “Nzira dzine makomba, muzvipatara zvinhu hazvina kumira zvakanaka, zvikoro zvakafa kare, makambani ari kuvhara, saka hapana chandingataure kuti vangatungamire kusvika 2030,”

Mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa cheCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C, VaDarlington Chigumbu vati vanowirirana nevarwiri verusununguko vari kuti VaMnangagwa varemerwa nemutoro. “Tinonzwa kufara kana tichinzwa vakaendawo kunorwira nyika ino vachiti nyaya yekuti VaMnangagwa vamiswe panyaya yekurambira pachigaro, “VaChigumbu vaudza Studio 7. Vatiwo, “Pfungwa dzevanhu ava dzinoenderana nevanhu vazhinji munyika.”
Mutauriri webato reZanu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti sebato vanotevedzera zvinenge zvataurwa nebato. Vati vanhu vakasungunuka kutaura zvavanoda asi hazvirevi kuti vanenge vakamirira bato.
Asi, vanongoorora zvema tongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe VaLazurus Sauti vati VaChiwenga vane rimwechete nevarwiri verusunguko panyaya yehuori kunyange vasisiri kudoma vanhu nemazita.

Vati, “Mashoko aVaChiwenga ekuramba huori munyika muno anova anotsigira zviri kutaurwa nevarwiri verusununguko mashoko anotaridza kuti havasi kufarwo nenyaya yehuori.”

VaMnangagwa vakati havo vanotevedzera bumbiro remitemo uye vari kuda kusiya basa muna 2028. Asi vamwe vanoti havana zvavari kuita kumisa vave kukonzera kunetsana mubato vachida kuti varambe vari panyanga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG