Mutauriri weWhite House Karoline Levitt anoti vanhu mazana mashanu nemakumi matatu nevasere (538) vakasungwa nezuro sezvo vainge vasina magwaro ekugara muAmerica zviri pamutemo.
Mapurisa anoshanda mubazi rezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika veImmigration and Customs Enforcement (ICE) nezuro vakasunga vanhu vasina magwaro ekushanda muAmerica uye zvizvarwa zveAmerica kuNewark, New Jersey nezuro. Zvizvarwa zvemuAmerica zvakazoregererwa.
Meya weNew Jersey VaRas Baraka vanoti mumwe akasungwa ainge atombori muuto.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakashandisa masimba avo kudzika mutemo wechimbi chimbi kuti vape mapurisa masimba ekusunga vose vari muAmerica vasina magwaro akakwana.
Mutauriri weICE ati mubasa ravo vanogona kusunga zvizvarwa zveAmerica asi vati vanokumbira vanhu kuti vavape zvitupa vovaregerera.
Forum