Vadzidzi makumi maviri nevashanu (25) vakaremara votanga zvidzidzo zvakasiyana siyana munyaya dzemabhizimisi pachikoro chepamusoro cheEuropean Business University of Luxembourg (EUB) mushure mekunge mumiriri wevakaremara musangano reAfrica Union (AU) VaNyasha Nhau, vawana mabhezari kusangano rinoshanda rakazviimirira reLimited Solutions Global (LSG) ekuti vadzidze pachena,
VaNhau vanoti vakatora danho iri kuti vawanise vakaremara mukana wekuenderera mberi nedzidzo sezvo vasingavanzowane mikana yakadai.
Vati, “Chirongwa ichi ndechekuti vakaremara vasasarire kumashure, munyaya dzedzidzo, tinoda kuti tinge tiine vanachiremba, vari vanhu vakaremara saka takaita mushandirapamwe nesangano reLimitless Solutions Global nehofisi yangu."
Vaenderera mberi vachiti, "Takabvumirana kuti veLimitless Solutions Global vatipe maScholarships makumi maviri nemashanu ekuti vakaremara vange vachinodzidza kuchikoro cheLuxembourg vachiita zvidzidzo zvakasiyanasiyana.”
Vanoti pasi pechirongwa chavo, vadzidzi vanopihwa mukana wekudzidza kusvika pachinhanho chepamusororo soro chePhD.
Denise Nokutenda Maphosa ane makore gumi nemapfumbamwe (19) uyo ari kuita zvidzidzo zveBusiness Management and AI Intergration audza Studio 7 kuti akafara zvikuru nekuwana mukana wekuenderera mberi nedzidzo.
VaMaphosa vati, “Ndakafara zvisingaiite nekuti hazvisi nyore kuti unoshaya mari yechikoro wobva wawana scholarship inokubhadharira zvese nekuremara kwandakaita nekuti vanhu vakawanda vanenge vachindiseka vachiti munhu asingaone anobatsirei munharaunda." Vawedzera vachitiwo, "Sakai ino inguva yangu yekuti ndipenye.”
VaMaphosa vatiwo, “Shuviro yangu ndeyekuti ndivemucherechedzo kune vakaremara kuti kana vanhu vachikutarisira pasi kana kukudzikisira unokwanisa kuvadarika kuita zviri nani muhupenyu.
Mumwe ari muchirongwa ichi VaNorman Trymore Manhika vane makore makumi maviri nematanhatu (26) ari kuita Masters in Project and Operations Management vanoti chirongwa ichi chichamubatsira pazvirongwa zvake zvekusimudzira vanhu vakaremara muZimbabwe uye uchimuvhurira nzira kuti azvisimudzire.
VaManhika vati, “Mukana wekuenda kuzvikoro zvepamusoro unoita kuti vakaremara vakwanise kuwanawo mabasa nekuti haungangopinwe basa nekuti wakaremara nekuti izvozvo zvinodzikisira nekukanganisa kushanda kwemakambani.”
Mukuru wesangano reLSG, Dr. Marble Daniel, vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chakatambirwa zvakanaka uye vanotarisira kuwedzera huwandu hwevadzidzi vachapinda machiri.
Dr Daniel vati, “Chakasvika kune vakawanda uye vakakachigamuchira, nzvimbo makumi maviri neshanu ishoma chose uye ndinotarisira kuti dziwedzere kuti tikwanise kutora vanhu makumi maviri nevashanu padunhu rega rega munyika yese.”
Vatiwo, kunze kweLuxembourg University, vari kushandawo nezvimwe zvikoro zvepamusoro makumi matanhatu (60) pasi rese uye izvi zvichapa mukana kuvana veZimbabwe wekuvandudza ruzivo rwavo kuti vagosimudzira nyika yavo munyaya dzehupfumi.
Vanhu vakaremara munyika vanosvika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana pavanhu vese uye vazhinji vavo vanogunun’una kuti vanoshaiyiswa mukana munyaya dzedzidzo nemabasa.
Zimbabwe iri kuvandudza mutemo unoona nezvevakaremera weDisability Act nechinangwa chekuenzanisa mikana pakati pavo nevamwe pamwe nekuvawanisa mikana yekuita zvese zvavanoda kuti vararame zvakanaka.
Forum