Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanoti Yave Nguva yeKubatana


US-VOTE-POLITICS-TRUMP
US-VOTE-POLITICS-TRUMP

Vachangosarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaDonald Trump vatenda vanhu vemuAmerica nekuvavhoteraVaTrump vakwanisa kukunda mumatunhu akawanda akakosha. VaTrump vange vari kumba kwavo kuFlorida uko vatsigiri vavo vainge vatotanga kupemberera zvisati zvaziviswa kuti vakunda.

VaTrump havasi mutsva vetsambo. Nezuro vakati, “Ndinoda kutenda America nekundipa mukana wakakura wekuti ndive mutungamiri wechimakumi mana nenomwe uye ndakamboitawo mutungamiri wechimakumi mana neshanu.”

VaDonald Trump naAmai Melania Trump
VaDonald Trump naAmai Melania Trump

Vakamirawo maawa manomwe nzvimbo dzaivhoterwa dzavhara kuti vature mashoko kuvatsigiri vavo. Vakati, “Yave nguva yekuti musiyane nekuvengana sezvakaitika makore mana adarika, yave nguva yekubatana.

Mutsigiri waVaTrump VaSteve McGuire anoti, “Ndinofunga vanhu vaneta nezviri kuitika. Kunyika. Zinvhu zvose zvawedzera mitengom zvekudya, mafuta ekufambisa dzimotokari uye dzimba.

Mumwe mutsigiri wavo Amai Alea Webber vatiwo, Ndaifara nezvaiitika makore mana akatungamira VaTrump uye ndiri kuvimba kuti tichdzokera kumakore aya.”

Mushure mekunge VaTrump vakunda musarudzo mushure mekuwana mavhoti mazana maviri nemakumi manomwe kana kuti 270 electoral votes, bato ravo rakabva rakundawo mudare reSenate.

Kutsvaga rutsigiro kwange kwakaoma sezvo VaTrump vakapona kaviri vachida kuurayiwa. Asi izvi hazvina kuvamisa sezvo vakavimisa kuti vacharamba vakamira semusambangwena.

Mumwe mutsigiri wavo Muzvare Renee White ainge akagara kumashure kwaVaTrump pavakapfurwa kuButler, Pennsylvania, uye ange ari kuPalm Beach kumuzinda kwavaTrumpo nhasi ati.

Muzvare Renee White vanotsigira VaTrump vati, Handifunge kuti rwendo urwu rwuchange rwuri nyore. Tinofanra kuramba tichirwa.”

Zvange zvichiita sekunge vatsigiri vaVaTrump vaiziva kuti vachakunda sezvo vange vakapfeka nguwani dzakanzi mutungamiri wechimakumi mana neshanu kumashure uye mutungamiri wechimakumi mana nenomwe kumberi.

Nyaya iyi yatumirwa naCarolyn Presutti, VOA News, mukaiverengerwa naBlessing Zulu

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG