Accessibility links

Breaking News

Mitengo Yowedzerwa Zvakanyanya Zvotambudza Veruzhinji


Mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanya zvichitevera kuderera kwehuremu hwedhora remunyika reZimbabwe Gold (ZiG) kwakaitwa nebhanga guru renyika svondo rapera.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaRemigio Shumba, vanoti vakatadza kutenga zvekudya zvavainge vakatarisira sezvo mari yainge iri mukadhi mavo yakangokwanisa kutenga zvinhu zvishoma.

“Mari yanga iri mukadhi rangu reku bhanga yatadza kutenga zvinhu zvandanga ndakatarisira nekuti yave shoma nekuda kwekudonha kweZiG svondo rapera.” VaShumba vaudza Studio 7.

Nhasi shuga inorema makirogiramu maviri yanga ichitengwa nemaZiG zana. asi svondo rapera yaitengwa nema ZiG makumi matanhatu nemaviri. Izvi zviri kuitikawo pamitengo yezvinhu zvose.

Mumwe mushandi wehurumende anoda kuzivikanwa nezita rekuti Rabecca anoti zvakaitwa nehurumende kuvabira sezvo ZiG rakadonha mari dzavo dzichiri mumakadhi.

Rebecca awudza Studio 7 kuti, “Apa vatibira nekuti ZiG radonha mari yedu yatakatambira ichiri mumakadhi tisati taishandisa.”

Vaimbove mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, VaPeter Mutasa, vanoti hurumende yakabira vashandi nekuderedza kukosha kwemari vashandi vasati vashandisa mari dzavakahora nekudaro vvashandi ava vanofanirwa kubhadhara zvakare mwedzi uno mari inoita zvikamu makumi mana nezvina kubva muzana zvemari dzavanotambira pamwedzi.

VaMutasa vati, “Kune vanga vatambira vanofanirwa kupihwa dzimwe mari kutanga mwedzi unouya”


Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera vanoti kuita chamurambamhuru kwemitengo yezvinhu kunotevera kupungurwa kwehuremu hweZig nezvikamu makumi mana nezvina kubva muzana kana kuti 44%. Vati,
“Izvi zvinoreva kuti vashandi vakabva kuwana mihoro yavo vave kutenga zvinhu zvishoma pane zvavanga vakaronga”

VaKuchera vaudza Studio 7 kuti, “Hapasati pave nekuvimbika pakati peReserve Bank nevanhu vemabhisinisi, pane kuhwandirana kuri kuitwa neReserve Bank”

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo kuderedzwa kwesimba remari yemunyika zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica kunoita kuti mari yevanhu iri kubhanga kana muhomwe ibva yadererawo kana kuti loss of real income or value.

Imwewo nyanzi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neGIMRI Finance, VaGilbert Muponda vanoti kuderera kwaita ZiG kuchakanganisa hupfumi hwenyika nekuti zvave kureva kuti vanhu vachange vave kutsvaka dhora rekuAmerica nemaZIG akawanda zvichapa kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi. VaMuponda vat, “Kuderera kwaita ZiG chinhu chichakanganisa hupfumi hwenyika.

Vaenderera mberi vachiti, "Izvi zvave kureva kuti wave kumhanya mhanya kuti utsvage maZiG akawanda kutenga dhora rekuAmerica Izvi zviri kukonzera kusagadzikana pamusika wemari”


VaMuponda vanoti chiri kushamisa ndechekuti pakauya ZiG rainzi rakatsigirwa negoridhe asi rashaya huremu akunyangwe mutengo wegoridhe wakadzikama zvoshaisa vanhu chivmbo nemari iyi.

Hatina kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere, nemunyori mubazi ravo VaNick Mangwana vanga vasingadavire mbozhanhare dzavo.

Asi gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mushayavanhu, vati havakwanisi kutaura neStudio7 sezvo vanga vari mumusangano.

Kunyange dhora rekuAmerica riri kutengwa nemadhora makumi maviri nemashanu emaZiG pamusika weRBZ, pamukoto riri kutengwa nemadhora makumi mana emaZiG.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG