Accessibility links

Breaking News

Madzimai Anorarama Nekutengesa Bonde kuMaruwa Anoti Varume Havachabhadhare


Mamwe madzimai ari mudunhu reMashonaland Central vanorarama nekutengesa bonde kumaruwa vanoti kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi nekutadza kukohwa zvakanaka kwave kupa kuti vashandire mari shoma.

Mamwe madzimai aya anoti varume vave kutadza kubhadhara mari yavanotarisira inova madhora ekuAmerica mashanu kana kuti US$5 pakufadzana kwenguva pfupi uye madhora makumi maviri kana kuti US$20 kana kupfuura vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Vanoti nguva yakare varume vaibhadhara pasina kana kuchemachema izvo zvaiita kuti vawane mari yekuzviriritira nevana vavo.

Mumwe mudzimai ane makore makumi maviri nemashanu anoda kuzivikanwa nezita rebasa rekuti madzimai anoti varume vave kuda kubhadhara dhora rekuAmerica rimwechete kana maviri panguva pfupi. Madzimai vati, “Iye zvino mari haichabatike zvekumhanya sakudhara, tinotoita mari nekuda kwefodya. Vatiwo, "Ukawana anokupa $5 husiku hwese unotomubatisisa."

Vatizve, " Varume vari kuchema chema vachida kubhadhara madhora maviri kana matatu vamwe dhora chaio."

Mumwe anozivikanwa nerebasa rekuti Manjenje ane makore makumi maviri nerimwe anoti paakatanga zvechipfambi aimbowana madhora makumi matatu pazuva, asi ikozvino ave kutatarika kuwana kana madhora gumi chaiwo pazuva.

Ati, “Basa iri ndave ne 6 years ndichiriita mushure mekurambana nemurume nekuti ndanga ndisingazive kuti akaroora." Atizve, " Iye zvino ndinotadza kuwana kana $10 asi kudhara ndaiwana madhora makumi matatu husiku humwe chete.”

Kushomeka kwevarume vachiri kubhadhara bonde kwave kuisa hutano hwemamwe madzimai munjodzi sezvo vamwe varume vanenge vachida bonde risina kudzivirira.

Mumwe mudzimai wekuShamva ati anoda kuzivikanwa nekuti Amai Tanaka ati, “Iye zvino munhu akati ane US$20 ari kuda kurara newe asina kondomu zvakaoma kuti ndirambe.”

Atiwo dzimwe nguva vanobirwa, “Mumwe anogona kuenda newe monorara mabhadharana asi anogona kuzoti hunza mari yose mapedza kurara.”

Vamwe vanoita zvechipfambi ava vave kupinda muzvirongwa zveNational AIDS Council-zvekuvandudza hupenyu hwavo. Vanenge vachidzidziswa kuita zvemabhizinisi kana zvemukando.

Chirongwa ichi chinokurudzirawo kuti madzimai anotengesa bonde aongororwe ropa pamwe nezvirwere zvepabonde. Vanowanikwa vaine hutachiwana hweHIV vanobva vapinzwa muchirongwa chekurapwa.

Mukuru weNAC mudunhu reMazoe kuMashonaland Central, Muzvare Mercy Mudhombo vanoti basa rekutengesa bonde pane nguva yekuti rinenge risisabhadhare nekudaro vanodzidzisa madzimai aya mabasa emaoko.

Muzvare Mudhombo vaudza Studio 7 kuti, “Basa rekutengesa bonde pane nguva yekuti zvinenge zvisisaite nekuda kwekukura nekudaro tinodzidzisa madzimai aya kuti pavanenge vachiri kumhanyirirwa nevarume vaite zvemabhizinisi ekutengesa nzungu kana nyama yakaomeswa seimwe nzira yekuita nayo mari." Vatiwo, "Pane vamwe vasisaite zvepabonde vave kutengesa zvekudya kumabawa.”

Mumwe akabatsirwa nechirongwa cheNAC ndiMuzvare Muchaneta anoti aiita bonde risina kudzivirirwa.

Muzvare Muchaneta anopupura kuti, “Ndaisaziva kuti kondomu rinopfekwa sei asi kuburikidza neNAC ndave kuziva uye tave kuita zvemikando senzira yekuchengetedza mari shoma yatinenge tawana.”

Zvekushambadzira zvepabonde kana kuti soliciting kana kupa vanhu imba yekuita zvepabonde kana kuti brothel hazvisi pamutemo sekutaura kwegweta rinorwira kodzero dzevanhu zvikuru madzimai Amai Seppy Ndlovu, “Vanoshambadza zvepabonde kana kuti soliciting nevanopa vanotengeserana bonde imba yekuzviita hazvibvumirwe nemutemo wenyika.”

Uye yave mhosva inoendesa munhu kujeri kuita zvepabonde nemusikana asati asvika makore gumi nemasere zvisinei nekuti anenge abvuma here.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG