Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaPutin Vofananidza Nyika dzemuEurope neMapere


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weRussia VaVladimir Putin vanonzi vakasekesa vanhu pavaitaura nyaya yezvombo zvenuclear vachipa muenzaniso wezvingaitwe nenyika dzavo kurwisa vavengi vavakati vakafanana nemapere.

Vachitaura kumusangano weSt Petersburg International Economic Forum kana kuti (SPIEF) imwe nyanzvi munyaya dzezvehumhizha nehumhetura VaSergey Karaganov vakakurudzira VaPutin kuti vachinje mutemo weRussia pakushandisa zvombo zvemhando yenuclear vachiti nyika yavo inofanira kuzvikanda munyika dzinoda kurwisa Russia nezvombo.

Izvi zviri kukurudzirwa nenyika dzekumawirira dziri kuti zvombo zvadziri kupa Ukraine zvinokwanisa kusandiswa kurwisa mauto eRussia asati apinda muUkraine kuzoirwisa.

Nyika idzi dzinosanganisira America, Canada, nedzimwe dziri mugungano reEuropean Union dzinosanganisira France, Germany, Canada nedzimwe. VaKaraganov vakakurudzira VaPutin kuti vashandise zvombo zvenuclear kuyeuchidza nyika idzi kuti dzave kupinda nemwenje mudziva. Vakati, “Vave kupenga vanhu ava kunyaya vekumawirira ava.”

Vakaenderera m beri vachiti, “Ndozvinoita mhuka. Kana paine mapere kana mhumi kana uine shamhu unofanira kudziranga, ukadar hadzitambire padhuze. Asi dzinogona kubvarura hembe dzako, uye ukaneta dzinokuruma. Asi ukauraya dzimwe dzacho dzinotiza.” Vakatizve, “VaMnangagwa vanoziva maitiro emapere. Munotenderana neni here mutungamiri (VaMnangagwa) ndozvamunoita mapere?”

VaMnangagwa vakati, “Tine mapere akawanda zvikuru muZimbabwe, asi tinoachengetera kunochengeterwa mhuka. Hatina dambudziko nawo. Asi anoberekana zvakanyanya, kana paine anoada, tinogona kumupa pachena,”

Asi VaPutin vakapindura vachiti, “Tine mapere edu muno muEurope.” Pamutemo wenyika yeRussia, inoshandisa chete zvombo zvenuclear kana yatanga kurwiswa nazvo. VaPutin vakati mutemo uyu unogona kuvandudzwa asi vakati havadi havo zvombo zvenuclear kukunda Ukraine muhondo.

Forum

XS
SM
MD
LG