Accessibility links

Breaking News

Kambani yeDiaspora Meds Yobatsira Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Kuriritira Vari Kumusha


Zimbabwe's Diaspora Meds
Zimbabwe's Diaspora Meds

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa mabasa ari kubatwa nekambani yeDiaspora Meds, iyo ine muzinda uri muJohannesburg, South Africa asi ichibatsira mwana weZimbabwe wese zvisineyi nekuti ari munyika ipi pasi rose.

Mushandi wekambani iyi, Muzvare Rumbidzai Zunzanyika, vanoti Diaspora Meds yakaumbwa kuti ikwanise kuyamura hama dziri kunze kwenyika, kana kuti kuDiaspora, kuitira kuti dzikwanise kuriritira hama dziri kumusha kuZimbabwe.

Vanoti rubatsiro rwunokwanisa kupiwa nekambani yavo kune vari kunze kwenyika rwunosanganisira kubatsira kuti vakwanise kubhadharira hama dzavo dziri kuZimbabwe mari yekuti dzikwanise kurapwa, kana kuti medical aid, kuvigwa zvine chiremera kana dzashaya, kana kuti funeral policy pamwe nekuti kana muchengeti wemhuri akashaya vanenge vasara vawane cheuviri, kana kuti life insurance muChirungu.

Muzvare Rumbidzai Zunzanyika vekambani yeDiaspora Meds.
Muzvare Rumbidzai Zunzanyika vekambani yeDiaspora Meds.

Muzvare Zunzanyika vanoti, "Ndichatangira ndiri ku medical aid nekuti tine mamwe mabato ezvimwe zvatave kuita zvakare zvinoenderana nema insurance edu ehupenyu atinoziva.

"Ndichatanga ndiri kumedical aid. Kumedical aid kwedu tine mapackages mana anova Manuka, Lavender, Clover neSage. Manuka, Lavender neClover dzinogamuchira vanhu vari pakati pemazera e zero to 65 years old. Ndopanopinda vanhu vanenge vachida medical aid."

Vanoti Sage ndiyo inogamuchira vanhu vane makore ari pamusoro pemakumi matanhatu nemashanu, vachiwedzera kuti vakaita ongororo yakaratidza kuti vanhu vane makore aya vanorambwa nemamwe makambani anopa medical aid.

Muzvare Zunzanyika vanoti mapoka ose ari mana avatsanangura pamusoro ayo anosiyanawo mari dzinokwanisa kubhadharirwa murwere ari muchipatara.

Vanoti Manuka inobhara bhiri remurwere kusvika pamadhora zviuru gumi nezvitatu, Lavender ichisvika pazviuru gumi nezvishanu, kuchitiwo Clover neSage dzichienzana pamadhora zviuru makumi matatu nezvitatu.

Asi vanoti dzinozosiyana pakuti Sage ine zvimwe zvikuru zvainozobatsira nazvo murwere pamusoro pekumubhadharira mari yekugara muchipatara, zvinosanganisira kunomutora nendege kana kwaanenge ari kusingasvikike nemotokari nekutomubhadhara mazuva aanenge ari muchipatara kana akagara kudarika mazuva matatu.

Mapoka emedical aid amunokwanisa kusarudza.
Mapoka emedical aid amunokwanisa kusarudza.

Muzvare Zunzanyika vanoti kuboka rezvehutano vari kushanda nekambani yeCell Med Health Insurance, kuchitiwo kudivi rezverufu nehupenyu vari kushanda nekambani huru ye Old Mutual.

Vanoti Diaspora Meds inowanikwa muZimbabwe, Botswana, South Africa pamwe neLondon kuEngland.

Vanoti munokwanisa kuenda padandemutande ravo rinoti https://www.diasporameds.com kana kufona panharembozha dzinoti +263 77 408 4408 ,kana patsambambozha inoti Info@diasporameds.com.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG