Accessibility links

Breaking News

Zvichitevera Kuziviswa kweZvakabuda muSarudzo muSouth Africa Tarisiro Yave paMapato Achabatana muKuumba Hurumende yeMubatanidzwa


Vamwe vanoti havaoni ANC yaVaCyril Ramaphosa ichibatana nebato raVaJacob Zuma reMK.
Vamwe vanoti havaoni ANC yaVaCyril Ramaphosa ichibatana nebato raVaJacob Zuma reMK.

Zvichitevera kuziviswa zviri pamutemo kwezvakabuda musarudzo dzemuSouth Africa nezuro neIndependent Electoral Commission, izvo zvinoratidza kuti bato riri kutonga reAfrican National Congress, ANC, rakakundikana kuwana zvikamu zvemavhoti zvinodarika makumi mashanu kubva muzana zvinoita kuti riumbe hurumende riri roga, nyaya hombe yave yave yekuti bato iri richabatana nebato ripi kana kuti nemapato api?

Mapato makuru anotarisirwa kubatana neANC mukuumba hurumende yemubatanidzwa anosanganisira Democratic Alliance kana kuti DA, uMkhonto we Sizwe kana kuti MK, Economic Freedom Fighters kana kuti EFF, nemamwe madiki.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaKudakwashe Bandama, avo vari muSouth Africa, vanoti zvakabuda musarudzo idzi handizvo zvaitarisirwa nevakawanda zvekuti pfungwa yehurumende yemubatanidzwa yakanga isimo mupfungwa dzevakawanda.

Asi vanoti bato reDA pamwe nemamwe akawana zvigaro ane mukana wekupinda muhurumende yemubatanidzwa neANC, asi chikuru chichange chichitariswa ndechekuti munyaya dzekutungamira munenge muchiwirirana zvakadii.

Asi vamwewo vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti bato reDA ragara richishoropodza matongero ehurumende yeANC, zvichireva kuti panenge pave nekushandurwa kwemitemo kwakasimba kuitira kuti mapato maviri aya apinde muhurumende imwechete.

Ukuwo, mapato eMK neEFF, ayo ane nhengo dzakawanda dzakabuda mubato reANC, ndemamwe avanoti ane mukana mukuru wekuumba hurumende yemubatanidzwa, asi vanoti kunyange hazvo zvichigona kuitika zvinogona kusashanda nekuti vamwe vanotyira kuti zvinopedzisira zvadzinga vemabhizimusi vanoda kuzosima mari dzavo munyika iyi sezvo mapato maviri aya agara achizivikanwa paamire munyaya dzehupfumi hweSouth Africa uho anoti huchiri mumaoko evashoma.

Vamwewo muMK vanonzi vari kuti kuti vabatane nebato riri kutonga iri mutungamiri wenyika VaCyril Ramaphosa vanofanirwa kutanga vasiya chigaro kubato reANC.

Paramende yeSouth Africa ine nhengo mazana mana, idzo dzinosarudza mutungamiri wenyika. Paramende inonzi ine mazuva gumi nemana chete ekuti inge yashara mutauriri weParamende pamwe nemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG