Accessibility links

Breaking News

IEC Inozivisa Zvakabuda Musarudzo Bato reANC Richiwana Zvigaro Zana neMakumi Mashanu neZvipfumbamwe


Hofisi yeNational Results Operation Centre yeIEC iri muMidrand, South Africa.
Hofisi yeNational Results Operation Centre yeIEC iri muMidrand, South Africa.

Komisheni inotungamira sarudzo muSouth Africa yazivisa zviri pamutemo zvakabuda musarudzo dzakaitwa neChitatu svondo rapera, izvo zvinoratidza kuti bato riri kutonga reANC rakawana zvigaro zana nemakumi mashanu nezvipfumbamwe, 159, kubva mazana maviri nemakumi matatu, 203 zvarakawana muna 2019.

Bato reDA, iro riri pachinzvimbo chepiri, rine zvigaro makumi masere nezvinomwe, 87 kubva pazvigaro makumi masre nezvina, 84, zvakarawana muna 2019.

Bato idzva reMK rakaumbwa naVaJacob Zuma rine zvigaro makumi mashanu nezvisere, 58, kuchitiwo reEFF raVaJulius Malema richiwana zvigaro makumi matatu nezvipfumbamwe, 39, kubva pazvigaro makumi mana nezvina, 44, zvarakawana muna 2019.

ANC haina kusvika panodiwa pazvikamu makumi mashanu kubva muzana kuti ikwanise kuumba hurumende iri yoga, zvinoreva kuti yave kufanirwa kuumba hurumende yemubatanidzwa nerimwe bato kana mapato.

Izvi zviri kuuya panguva iyo bato reMK nemamwe mapato vakanyorera ku IEC vachida kuti imire kuburitsa zvakabuda musarudzo itange yagadzirisa nyunyuto dzavo dzekuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Bato reMK raVaJacob Zuma rinoti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka neIEC.
Bato reMK raVaJacob Zuma rinoti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka neIEC.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheUNISA, Doctor Eddie Mahembe, vanove mukuru weUnderhill Corporate Solutions, vanoti zvaziviswa neIEC izvi zvinhu zvanga zvagara zvichizivikanwa sezvo zvinobuda musarudzo zvichinamirwa panzvimbo yekuvhotera yoga yoga.

Panyaya yekuti zvakabuda musarudzo zvaziviswa paine mamwe mapato ari kunyunyuta, Doctor Mahembe vanoti mubumbiro remitemo yeSouth Africa pane nzira dzinoteverwa dzekusvitsa zvinyunyuto dzinofanirwa kuteverwa nemapato ari kunyunyuta.

Zvichitevera kuburitswa kwemavhoti uku, dare reparamende rave kuzogara mukati memazuva gumi nemana rosarudza mutauriri weparamende pamwe nemutungamiri wenyika.

Aka ndekekutanga mukati memakore makumi matatu kubva South Africa yawana kuzvitonga kuzere muna 1994 kuti ANC irasikirwe nechidanho chekuve ndiyo ine huwandu hwemavhoti zvinoita kuti ikwanise kuumba hurumende iri yoga, zvichireva kuti yave kumanikidzwa kuumba hurumende yemubatanidzwa nebato.

IEC inoti zvikamu makumi mashanu nezvisere nezviga makumi matanhatu nechimwe kubva muzana, 58.61 percent ndizvo zvakakwanisa kuvhota pavanhu vanoda kusvika kumamiriyoni makumi maviri nemasere, 28 million, vakanga vakanyoresa kuvhota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG