Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vanoparura Zvakare Chirongwa cheVechidiki cheNational Youth Service


Chirongwa chevechidi ichi chakambenge chambomiswa.
Chirongwa chevechidi ichi chakambenge chambomiswa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vechidiki vese munyika vanofanirwa kupinda muchirongwa chevechidiki icho chave kunzi National Youth Service in Zimbabwe, senzira yekuti vazive nhoroondo yenyika yavo.

Vachitaura pamhemberero dzekuparura chirongwa chinonzi chakanangana nekudzidzisa vechidiki mabasa emaoko ichi pamhemberero dzaitirwa paNhakiwa mudunhu reUzumba kuMashonaland East, VaMnangagwa vati vechidiki vane basa guru rekuchengetedza nhaka yenyika, nekudaro zvakakosha kuti vadzidziswe nhoroondo yekuti nyika yakawana sei kuzvitonga kuzere.

Mukuru wesangano revechidiki rePlatfrom For Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vanoti hapana chakaipa pakuti nyika ive nechirongwa chevechidiki, asi dambudziko rinongozouya chete kana vechidiki ava voshandiswa nebato rezvematongerwo enyika kuendesa mberi zvido zvaro nekuitiswa zvemhirizhonga.

Chirongwa cheNational Youth Service chakavambwa mugore ra2000 nedonzvo rainzi raive rekudzidzisa vechidiki mibato yemaoko, chakazoita mukurumbira usina kunaka wekushungurudza veruzhinji, kunyanya vemapato ezvematongerwo enyika aipikisa hurumende vachinzi vaishandiswa nebato reZanu PF.

Asi Zanu PF inoramba zvayo chipomerwa ichi.

VaMnangagwa vapawo zvipo zvemakombiyuta zana pamwe chete netarakita imwechete kuchikoro cheNhakiwa Vocational Training Centre mushure mekuvhura zviri pamutemo kwavaita bandiko rezvemabhizimusi rechikoro chinodzidzisa mabasa emaoko ichi.

Bandiko rezvemabhizimusi iri riri pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika icho chakanangana nebudiriro yekumaruwa, chePresidential Rural Development Programme.

Chikoro cheNhakiwa Vocational Training Centre chine hekita imwechete yemunda wekurima miriwo, madhamu maviri ekuchengetera hove, matangi maviri emvura pamwe nemichina inobata magetsi ezuva zviri pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG