Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana Nedzimwe Nyika Kuchema Mutungamiri weNyika yeIran VaEbrahim Raisi


VaEbrahim Raisi naVaEmmerson Mnangagwa
VaEbrahim Raisi naVaEmmerson Mnangagwa

Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika kuchema mutungamiri wenyika yeIran vaEbhrahim Raisi avo vakashaya mushure mekunge chikopokopo chavo chadonha nezuro.

VaRaisi vakashanya kuZimbabwe muna Chikumi gore rapera uye vakaitawo musangano nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga masvondo adarika.

Zimbabwe neIran dzine hukama hwakasimba uye mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanogara vachiti hukama uhu hwakasimbaradzwa nekuti vose vakatemerwa zvirango neAmerica nedzimwe nyika dzakabudirira dzakaita seAmerica. America inoti vakatemerwa zvirango nekuda kwekuti vanotonga nedemo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chikuru cheAfrica University, Doctor Wellington Gadzikwa vanoti hukama uhwu hwunogona kuramba hwuripo chero VaRaisi vafa sezvo zvibvumirano zvinonyoreranwa zvisiri zvevatungamiri asi zvenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG