Accessibility links

Breaking News

Mauto eDRC Anoti Adzivisa Kupidigurwa kweHurumende yaVaTshisekedi


VaFelix Tshisekedi.
VaFelix Tshisekedi.

Vamwe vanhu vange vakapakatira pfuti vanonzi vamboyedza kupidigura hurumende yeDRC mangwanani asi vakadziviswa nemauto enyika iyi.

Mutauriri wemauto, Brigadier General Sylvain Ekenge vaudza vatori venhau kuti vange vachida kupidigura hurumende havana kubudirira uye zvinhu zvagadzikana.

Vanhu ava vanonzi varwisa pamba pemumwe mumiriri wedare reparamende VaVital Kamerhe vanogara pedyo nemuzinda wemutungamiri wenyika iyi VaFelix Tshisekedi.

Mutauriri wrwaVakamerhe VaMichel Moto Muhima vanyora padandemutande ravo reX, kuti “Honorable Vital Kamerhe nemhuri yavo havana kukuvara uye vakachengetedzeka.” Vatizve, “Mauto anovachengetedza awedzerwa.

Mapurisa maviri nemumwe wevarwisa pamba paVaKamwerhe vaurayiwa mukurwisana uku. VaTshisekedi vakasarudzwa muna Zvita musarudzo dziri kunzi nevanopikisa dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Forum

XS
SM
MD
LG