Accessibility links

Breaking News

Musangano weKunzwa Pfungwa dzeVanhu paBhiri rePVO Unokanganiswa Zvakare muHarare


Vanhu vachibuda mumusangano wekunzwa pfungwa dzevanhu paPVO Bill muHarare.
Vanhu vachibuda mumusangano wekunzwa pfungwa dzevanhu paPVO Bill muHarare.

Musangano wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga, rePrivate Voluntary Organisations, kana kuti PVO Bill wanga uchiitirwa pane imwe hotera muguta reHarare unonzi watadziswa kuenderera mberi mushure mekunge wavhiringidzwa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF.

Zvinonzi mushure mekunge mumwe mudzimai asimuka achipawo pfungwa dzake dzekupikisa bhiri iri, vanhu vari kutsigira bhiri iri vachifungidzirwa kuti ndeve Zanu PF vsbvs vstsngs kuimba vachiti vasiri kuda bhiri iri ngavabude muZimbabwe uye kusveeredza mudzimai uyu vachiita ruzha.

Nhengo yekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu uye vari mumiriri weMkoba South muparamende, VaJohn Kuka, vanoti komiti yavo yamboedza kunyaradza vanhu ava asi hazvina kubatsira sezvo vamwe vanhu vanga vatotanga kubuda panze vachitiza mhirizhonga iyi.

Asi nhengo yeboka revechidiki muZanuPF mudunhu reHarare, VaTaurai Kandishaya, varamba mashoko ekuti bato ravo ndiro rakanganisa musangano uyu vachiti musangano uyu wapindwa nevana veZimbabwe zvisineyi nebato ravanomirira.

Vanoti vanhu vapokana nemutauri ati haawirirane nebhiri iri vanhu vane Zimbabwe pamwoyo yavo, vachiti vana veZimbabwe vaneta nemasangano akazvimirira avori kupomera mhosva yekusvibisa nyika kuti vapiwe mari nedzihurumende dzekunze iyo vanozoshandisa kutsigira mapato anopikisa hurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhasi ranga riri iro zuva rekupedzisira rekunzwa pfungwa dzeveruzhinji pabhiri remashandiro emasangano akazvimirira iri pamwe nebhiri revakaremara.

Aka hakasi kekutanga kuti vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF vakanganise misangano yekunzwa pfungwa dzevanhu pabhiri rePVO iri, sezvo svondo rino zvakaitika zvakare kuMasvingo nekuChinhoyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG