Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutevedzera Tsika dzeChivanhu paKufukunura Makuva Ari Kuri Kuvakwa Cyber City kuMt. Hampden


Zimbabwe's Cyber City in Mt. Hampden.
Zimbabwe's Cyber City in Mt. Hampden.

Madzimambo, maSabhuku nevanotevera tsika dzeChivanhu vanoti hurumende inofanirwa kutevedzera tsika dzechivanhu pakufukunura makuva ari munzvimbo iri kuda kuvakwa guta idzva reCyber City pedyo neparamende itsva kuMt. Hampden muHarare.

Hurumende kuburikidza nebazi rezvekutongwa kwematunhu yakaburitsa chiziviso kune veruzhinji nezvehurongwa hwekuda kufunura makuva ari munzvimbo iri kuvakwa guta iri mapfupa acho achizonovigwa kunzvimbo itsva ichazoziviswa.

Muchiziviso ichi, bazi iri rakazivisawo kuti zvimwe zvinoereswa nevagari zvichabviswa kana kukanganiswa.
Vanoda kupikisa hurongwa uhwu vakapiwa mwedzi mitatu kubva kutanga kwemwedzi uno kuti vange vaita izvi.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo vamwe vagari vanodarika mazana mashanu munzvimbo iyi vakatarisana nekubviswa munzvimbo iyi kuitira kupa mukana wekuvakwa kweguta idzva iri.

Mumwe mugari akatarisana nekubviswa munzvimbo iyi uye kufukunyurirwa makuva ehama dzake shanu papurazi reTena ndiAmbuya Vimbiso Karanzi.

Ambuya Karanzi vanoti havana kwekuenda nekudaro vanochemachema kuti makuva aya avakirwe paari kwete kufukunyurwa.

“Pfungwa yangu yanga iri yekuti dai zvanga zvichigoneka pango iswa fenzi isu vapenyu totsvagirwa kwekuenda ndizvo zvatanga tichitarisira,” Ambuya Karanzi vanotsanangura.

VaWilson Sakonda vachiratidza makuva achafukunurwa.
VaWilson Sakonda vachiratidza makuva achafukunurwa.

Mumwe mugari wekuMt. Hampden, VaWilson Sakonda, avo vanopa vanhu nzvimbo yekuviga hama neshamwari papurazi reTena, vanoti pane makuva anodarika chiuru akaverengwa pavari kuviga vanhu pari zvino.

“Tabvunza hanzi kwawanikwa 1 103 kana 1102 here,”VaSakonda vanozivisa.

VaSakonda vanoti vazhinji vevakavigwa papurazi ravagere iri havachina hama dziri muZimbabwe sezvo dzakabuda munyika munguva dzejambanja pakatorwa minda kubva muna 2000, vamwe vachipararirawo munzvimbo dzakasiyanasiyana dzemunyika zvekuti hapana achaziva kwavari.

“Asi mamwe makuva akawanda hama dzavo hapachina vakadzokera kuMalawi vamwe kuMozambique” VaSakonda vanozivisa.

Amai Sinodia Mkanga vanoti pane kuti vanhu vacheme makuva vanofanirwa kutochema kuhurumende kuti vaendeswe kumwe kwekunogara kanaka.

“Makuva haana basa vanhu vanofanirwa kuchemera hurumende kuti vapihwe pekugara zvakanaka” Amai Mkanga vanotsanangura.

Vakafanobata chigaro chaMambo Chidziva mushure mekufa kwaBaba vavo gore rapera, VaShepherd Chinjiwa, avo vanotonga nzvimbo yeMt. Hampden, vanoti patsika yavo vanotora mapfupa emufi oyiswa mujira onovigwa patsva.

“Tinenge tave kutotsvaga machira atinorongera mabhonzo iwayo tonoaviga patsva” Mambo Chidziva vanotsanangura.

Mambo Chidziva vanoti kana mufi asisina hama, Sahwira wesvikiro renzvimbo kana kuti Mutape ndiye anofukunyura mufi uyu onomuviga panzvimbo inenge yasarudzwa, achidetemba kuti ‘mugare zvakanaka sevamwe kuno’.

“Tinotora munhu wangu munyai weSvikiro Mutape, anotumwa nesvikiro ndiye sahwira anoenda otora mabhonzo ipapo,” Mambo Chidziva vanoenderera mberi.

Makuva ekuMt. Hampden.
Makuva ekuMt. Hampden.

Izvi zvinotsinhirwa nasadunhu wenzvimbo iyi, VaGibson Katizagombo, avo vanoti munhu anogona kunovigwa kune imwe nzvimbo chero paita chivanhu chinotarisirwa kuitwa pakufunura guva rake nekutakura mapfupa ake.

“Tinobvisa makuva mushure mekunge taita chivanhu chedu," VaKatizagombo vanotsanangura.

Mambo Ngezi vanoti pakasatevedzerwa chivanhu chakakwana pakuvakwa kwedzimba munzvimbo inembenge iine makuva, zvivakwa zvacho zvinowondomoka kana kuti dzimba dzacho hadzigarike pachiitika mashiripiti akasiyanasiyana zvekuti vanhu vanogona kufuma varere panze.

“Panogona kuvakwa imba dzisingagarike kana kutadza kuvakwa. Mudunhu mangu mune nzvimbo dzakadaro,” Mambo Ngezi vanoyambira.

Nhengo yebhodhi resangano revarapi vechivanhu reZINATHA, VaPrince Mutandi Sibanda, vanoti vanhu vanofanirwa kufukunyurwa zvichienderana netsika dzevari kufukunyurwa.

Mumwe mukuru mubazi rezvekutongwa kwematunhu mubandiko rinoona nezvezvivakwa nenzvimbo dzinoera, VaNaison Shumba, vanoti pari zvino vari kuongorora kuti makuva mangani anoda kufukunyurwa panzvimbo nhatu dzanga dzichivigirwa vanhu muMt. Hampden.

Vanoti kana vapedza kuita izvi vachazoshevedza madzimambo kuti vatungamire muchirongwa chekufukunyurwa kwemakuva aya nekunovigwa patsva kwemapfupa evanenge vasisina hama dzinokwanisa kuwanikwa.

Hurongwa hwese uhu hunonzi hunopihwa zvikwanisiro nehurumende.

SezVIotaurwa muchiziviso chebazi rezvekutongwa kwematunhu, zvose izvi zvinoitwa chete kana pasina munhu anenge apikisa danho rehurumende iri munguva yakatarwa yemwedzi mitatu mitatu iyi.

Hurumende haisati yazivisawo kuti mhuri dzichabviswa munharaunda iyi dzichaiswa kupi, asi sezvinotaurwa nebumbiro remitemo, vanhu vanobviswa munzvimbo inenge yatorwa nehurumende ichiitwa mabasa ebudiriro vanofanirwa kutsvagirwa kumwe kwekuenda vonogariswa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG