Accessibility links

Breaking News

FIFA Inodoma Brazil seNyika Ichatambirwa Makwikwi eNhabvu yeMadzimai yePai Rose Muna 2027


 Spain neEngland dzichitamba munhabvu yemadzimai yepasi rose yeWorld Cup.
Spain neEngland dzichitamba munhabvu yemadzimai yepasi rose yeWorld Cup.

FIFA yazivisa kuti makwikwi enhabvu yemadzimai yepasi rose, kana kuti FIFA Women’s World Cup egore ra 2027 achaitirwa kunyika yeBrazil.

Izvi zvabuda kumusangano wepagore wechimakumi manomwe neina, kana kuti 74th FIFA Congress uri kuitirwa muguta reBangkok kuThailand.

Zimbabwe yakamirirwa kumusangano uyu nekomiti iri kufanotungamira nhabvu munyika yeZIFA Normalisation Committee ichitungamirwa nasachigaro wayo VaLincoln Mutasa avo vari kutsigirwa ikoko nenhengo yekomiti yavo VaSikhumbuzo Ndebele, pamwe nemunyori mukuru weZIFA, Muzvare Yvonne Manwa.

Musangano uyu uri kupindwa nenhengo dzeFIFA mazana maviri negumi neimwe, uye unonzi uri kukurukura nyaya dzakasiyanasiyana dzinobata nhabvu pasi rose.

Muwongorori wenhau dzemitambo, Muziwethu Hadebe anoti zvakakosha kuti chikwata chiri kumirira nhabvu munyika chakasarudzwa neFIFA ichi chinge chiri kumusangano uyu sezvo paine zvizhinji zvinofanirwa kudzidzwa nevakasarudzwa ava kuti nhabvu yemunyika isimbaradzwe.

"Zvakakosha kuti nhumwa dzinomirira ZIFA Normalisation Committee dzinge dziri pamusangano uyu sezvo uchidzidzisa nyaya yekuchengetedzwa kwemari, mafambisirwo enhabvu echizvino zvino nezvimwe," Hadebe audza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG