Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vorwisana Mumwe Achikuvara paMusangano weKomiti yeParamende kuMasvingo


Misangano yekunzwa pfungwa dzevanhu pabhiri rekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga rePrivate Voluntary Organisations-PVO-yavhiringidzwa kuMasvingo nemuChinhoyi nhasi zvapa kuti mumwe munhu akuvare achibva aendeswa kuchipatara.

Mumashoko kuvatori venhau, sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights rati pane munhu akuvara muCharles Austin Theatre ap pange pachizeyiwa bhiri rePVO iri. Vamwe vapinda mumisangano iyi vanoti vaytisidzirwa zvapa kuti vaende muhupoteri.

Vachitaura neStudio 7, mumiriri weChuru mudare reparamende VaTraswell Chikomo vanova nhengo yekomiti iyi vaudza Studio 7 kuti vamanikidzwa kusiira musangano panzira.

Chakonzera mutauro zvinonzi inyaya yekunyorwa mazita kwange kuchiitwa vanhu sematauriro aAmai Joice Mhungu.

MuChinhoyi musangano wambomiswa nekuda kwemhirizhonga mushure mekunge vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF varambidza mumwe mugari, VaDonald Chinotunha, kupa pfungwa dzavo vachiti vainge vataura zita re bato ravanotsigira.

Kunyange sachigaro wekomiti yanga ichitungamira musangano VaDexter Mangaliso vapindira vachiti mugari apedzise pfungwa yake, mugare uyu abva adoma bato reZanu PF nezita izvo zvawedzerwa kusawirirana.

Vanhu vakawanda vati vange vave kutya kutaura zvapa kuti vangoita zvekunyora pfungwa dzavo pazvipepa vachipa vashandi veparamende sezvinobvumirwa nemutemo.

Asi musangano usati wamiswa, mumwe mugari wekuChinhoyi VaThomas Mapara, vanga vapa pfungwa dzavo dzekuti mutemo uri kuda kuiswa unodzvinyirira masangano akazvimirira.

Asi mumwewo atsigira bhiri ndiVaOnias Mahwe vati rakanakira kuti hurumende inenge yoziva mashandiro emasangano akazviirira oga.

VaMangaliso vanoti komiti yavo yagona basa sezvo vanyengetedza vanhu kuti musangano uye underere mberi .

Bhiri iri riri kushorwa neUnited Nations ichiti rinokanganisa zvikuru mashandiro emasangano akazvimirira oga munyika zvichapa kuti varombo . United Nations yakakurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vasaise ruoko rwavo kuti uve mutemo sezvo uchityora zvibvumirano zvakawanda zvakanyoreranwa neZimbabwe nenyika dzepasi rino. Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa pamutemo uyu.

Asi mukuru wesangano rakazvimirira roga reZimrights VaDzikamai Bere vanoti mutemo uyu hauna kunaka.

Nyaya yekukanganiswa kwemakomiti eparamende kuita misangano yave nemakore ichiitika asi pasina vanosungwa. Muutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vange vasati vapirwa nyaya yemhirizhonga iyi kuMasvingo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG