Accessibility links

Breaking News

Kubviswa kweMukana weKuwedzera Mitengo neZvikamu Gumi Kubva muZana Kwotyirwa Kuti Kuchaomesera veZvitoro


Vamwe vari kuti mutemo uyu unogona kutadzisa vamwe vezvitoro kuzotenga zvinhu zvekutengesa.
Vamwe vari kuti mutemo uyu unogona kutadzisa vamwe vezvitoro kuzotenga zvinhu zvekutengesa.

Zvichitevera danho rakatorwa nehurumende rekubvisa mukana waipiwa vezitoro wekuwedzera mutengo wezvitengeswa zvavo nezvikamu gumi kubva muzana, kana kuti 10 percent premium, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzave kukurudzira hurumende kuti ione kuti vezvitoro ava vawaniswa mari yekunze nyore kuitira kuti vakwanise kuzotenga kubva kunze zvavanoda mumabasa avo.

Mutungamiri wesangano revezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti mutemo mutsva wakaiswa nehurumende unoita kuti vemabhizimusi vashandise chikero chemari chehurumende wakanaka chose sezvo uchichengetedza veruzhinji kuti vasarasikirwe nemari dzavo.

Asi VaMutashu vanoti vamwe vezvitoro vari kuenda kusangano ravo vachinyunyuta.

"Vamwe vakawanda vemhabhizimusi vakauyawo kwatiri vachinyunyuta nemaringe nemutemo iwoyo vari kuratidza sekuti mutemo uyu hauna kunyanya kusiyana ne price control nekuti vari kuti exchange rate yacho panofanirwa kunge pakanyatsojekeswa kuti zvomene inenge ichi dhetemainwa neaya atingati ma market forces."

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira bato rinopikisa reCoalition for Democrats, kana kuti CODE, VaTrust Chikohora, vanoti danho iri rakanaka kana mari yacho yekunze inotsvagwa nevezvitoro ichizowanikwa kumabhanga pavanenge voida.

"Dambudziko rinongozouya kana kuri kuti vaakuzoishaiwa mari yacho kumabhengi kana vave kuidawo kuishandisa kutenga zvavanoda kuisa muzvitoro zvavo. Ndopanozongonetsa chete ipapo. Ndopanenge pachida kuongororwa kuti zvinozoendeka here kana kuti aiwa," VaChikohora vanodaro.

Reserve Bank Of Zimbabwe
Reserve Bank Of Zimbabwe

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoti vemabhizimusi vanofanirwa kunge vaine mari dzekunze dzavanofanirwa kunge vachiwana kuitira kuti vakwanise kutenga zvinhu zvekushandisa kana kutengesa kubva kunze kwenyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimwoyo Mutambasere, vanoti danho rakatorwa nehurumende iri rinoratidza kuti haisi kunyatsofungisisa panyaya yemari nehupfumi hwenyika.

Izvi zviri kuuya panguva iyo hurumende iri kutora matanho akasiyanasiyana ekuona kuti vanhu vatambira nekushandisa mari itvsa yenyika yeZiG iyi.

Hurumende kutanga svondo rino inonzi iri kuisa mapurisa asina kupfeka nhumbi dzebasa pamwechete neveFinancial Intelligence Unit yeR-B-Z muzvitoro zvikuru zvemunyika vachisunga vanhu vanenge vachitenga vachishandisa makadhi ekumabhanga asiri mumazita avo.

Svondo rapera hurumende yakaparurawo chirongwa chekuteveredza vezvitoro ichisunga vanenge vachishandisa mutengo wemari wemusika mutema uri pamusoro pewakatarwa nemutemo.

Asi kunyange hazvo hurumende iri kumanikidza veruzhinji kutambira ZiG, iyo yakazivisa kuti mari iyi haisi kuzotambirwa kumahofisi ayo anotorwa magwaro ekufambisa, passport office, izvo zviri kunzi nevamwe uyu ndiwo mucherechedzo wekuti hurumende haina chivimbo nemari yayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG