Accessibility links

Breaking News

Vana veNhengo dzeDzimwe Kereke dzePositori Dzisingaendi kuZvipatara Votarisana neNjodzi yeZvirwere


Madzimai ekereke yepositori.
Madzimai ekereke yepositori.

Vana vakawanda vane vabereki vanopinda kereke dzechipositori vari panjodzi huru yekufa nezvirwere zvinorapika zvakaita segwirikwiti nemahumbunya sezvo vabereki vavo vari kuramba kuvabaisa nhomba dzekudzivirira zvirwere kana kuvarapisa kana varwara.

Vana vanodarika makumi matatu nevashanu vanonzi vakafa kunzvimbo yekuNyama mudunhu diki reHurungwe kuMashonaland West, nezvirwere zvegwirikwiti nemahumbunya mukati memasvondo maviri mwedzi wapera.

Kufa kwevana kana madzimai akazvitakura venhengo dzechipositori hakusi kutsva munyika, sezvo dzichizivikanwa netsika yekusaenda kunorapwa kuzvipatara kana kumakiriniki kana zvarwara kana pakusununguka kwemadzimai anenge akazvitakura.

Studio 7 yakashanyira nzvimbo yeNyama uko yakanzwa kuti nyaya dzekufa kwevana zvinhu zvave nenguva zvichiitika asi kungoti rwendo runo vana vafa vakawanda munguva pfupi.

Mumwe mudzimai akafirwa nevana vaviri asingade kuzivikanwa nezita sezvo achitya kurambwa nemurume pamwe nekudzingwa mukereke ye Johanne Marange yaanopinda nemurume wake anoti dambudziko rekufirwa rinorwadza madzimai kudarika varume, achiti ari kurwadziwa zvakanyanya nekurasikirwa nevana vake.

“Chinorwadza ndechekuti isu tinorwadziwa asi varume vanongoti vachaita vamwe vana nemadzimai akawanda avanoroora,” Amai mupositori vanotsanangura.

Mumwe mudzimai akafirwa nemwana kuVillage 6 ati anoda kuzivikanwa saMadzimai Dorcas, anoti akazvarirwa mukereke yekwaJohanne Marange akakura asingaende kuchipatara, asi anoti itsika yakaipa inourayisa vana nemadzimai chete kazhinji kacho.

“Kunyange ndakazvarirwa kuJohanne Marange asi tsika yekusaenda kuchipatara yakaipa sezvo ichiurayisa vana nemadzimai kudarika varume vanoisa mitemo yacho,” Madzimai Dorcas vanotsanangura.

Imwe mhuri inonzi yakarasikirwa nevana vanomwe, imwe yakarasikirwa nevana vashanu kuchitiwo dzimwe mhuri dzichishaikirwa nevana vaviri vaviri.

Kunyange vakuru vechechi yekwaMarange kuNyama varamba kutaura nesu, mumwe mukuru wekwaChirau kwaZvimba, Madzibaba Justine Sithole, vakamboudza Studio 7 kuti munhu anoita sarudzo yake yekuenda kuchipara kana kunoyamurwa nemaporofita ekuchechi.

“Isu hatimanikidze vanhu, munhu anoita sarudzo yake kuenda kuchipatara kana kunoshandirwa nemapurofita ekuchechi,” Madzibaba Sithole vanotsanangura.

Mumwe Sabhuku weku Village 1 kwaNyama, VaDaniel Jambo, vanobvuma kuti huwandu hwevana vakafa hauzivikanwe sezvo vamwe vasina kunyorwa mazita, vachiti makuva evana makumi maviri nemapfumbamwe ndiwo akaonekwa pakaitwa ongororo yevana vakafa svondo rapera.

“Kubva zvavhara vana zvikoro kusvika nhasi vana 29 vakafa uye vamwe vasingazivikanwe nekuti havana kunyorwa mazita,” Sabhuku Jambo vanozivisa.

Sabhuku Jambo vanoti vakaita chisungo chekuti mupositori wese anofirwa nemwana nekuti haana kumubayisa nhomba haafanirwe kuviga mwana wacho munzvimbo yavo asi kuenda kuKaroi uko vanotenga nzvimbo yekuvigira.

“Takaita chisungo semaSabhuku kuti mupositori anourayisa mwana nekusabayisa nhomba anonoviga mwana wacho kuKaroi kunobhadhariswa,” Sabhuku Jambo vanoyambira.

Hurumende inonzi nevamwe inotya kumanikidza nhengo dzemakereke epositori kuendesa vana kuchipatara.
Hurumende inonzi nevamwe inotya kumanikidza nhengo dzemakereke epositori kuendesa vana kuchipatara.


Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vanoti vakamboedza kutaura nevakuru vemakereke echipositori asi hazvina kuyamura nekuti vakuru vehurumende vanokudza mavhoti kudarika hupenyu hwevanhu.

Dr. Madzorera vanoti vatungamiri vehurumende, avo vanoenda kumakereke echipositori nguva dzesarudzo kunotsvaka rutsigiro, vanotya kumanikidza vemakereke aya kuti vabayise vana vavo nhomba kana kuenda kuzvipatara.

“Handizive kuti inyaya ye mavhoti here inoita kuti vakuru vemuhurumende vasaise mitemo yakaomarara zvikuru kune vose vanorambidza vana kubayiwa nhomba,” Dr Madzorera vanoshushikana.

Dr. Madzorera vanoti panofanirwa kuiswa mutemo unomanikidzira vabereki kubayisa vana nhomba sezvo vana vari vehurumende pamutemo kusvika vave nemakore gumi nemasere.

Izvi zvinotsigirwa naSabhuku Jambo, avo vanoti vakuru vehurumende vanofanirwa kutaura nevakuru vemakereke kwete vatungamiri vari pasi kuti dambudziko iri ripere.

Asi mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzehutano reWorking Group on Health-WGOH-VaItai Rusike vanoti mitemo iripo asi haisi kutevedzerwa.

“Dambudziko riri munyika nderekuti mitemo haisi kutevedzerwa izvo zviri kuurayisa vana vasina mhosva,” VaRusike vanotsanangura.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Dr. Douglas Mombeshora. Asi mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti vachiri kuongorora nezvenyaya yekufa kwevana iyi.

“Tichiri kuongorora nyaya yekufa kwevana iyi, uye tichazivisa zvatinenge tawana,” VaMujiri vanozivisa.

Hurumende yakazivisa svondo rapera kuti pane chikwata chevashandi veCivil Protection Unit, CPU, chakanga chatumirwa kuKaroi kwakare kuti chinotaura nevakuru vemakereke emapositori aya. Hatina kukwanisa kunzwa kuti chii chakabuda muhurukuro idzi, kana dzakabudirira.

Mugore ra2022 vana vanodarika zana namakumi mashanu pavana zviuru zviviri vakabatwa nechirwere chegwirikwiti vakafa munyika zvikuru vana vevabereki vanopinda makereke echipositori.

Forum

XS
SM
MD
LG