Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti seMwana weGurukota Neville Mutsvangwa Ngagare Mujeri neKuti Anogona Kutiza


Dare ramejastiriti nhasi raramba kupa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuna Niville Sungunurai Mutsvangwa mwanakomana wegurukota rezvemadzimai amai Monica Mutsvangwa nemutauriri webato reZanu-PF uye vaimbova gurukota VaChris Mutsvangwa.

Mutongi wedare ramejasiriti VaDennis Mangosi vati vatatu ava vadzoke kudare musi wa 30 Chivabvu.

Mutongi ati sezvo Neville ari mwana wegurukota uye anogona kutiza nevamwe vake voenda kunogara kunze kwenyika. Vachuchusi varambawo kuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso vachiti akanetsa kusunga sezvo matikitivha akapedza nguva yakareba achiramba kuvavhurira goni akazowanikwa akahwanda pedyo nemarara.

Muchuchusi VaThomas Chanakira vati Neville nevamwe vake vakabatwa nemhosva vanogona kukandwa mujeri kwemakore makumi maviri nemashanu.

Neville amiswa pamberi pedare nevamwe vake Elias Majachani naSimbarashe Tichingana.

Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende inoti vatatu ava vakatyora mutemo wezvekufambiswa kwemari yekunze kana kuti Exchange Control Act. Vari kunzi vakatyorawo mutemo wekufambiswa kwemari kana kuti Money Laundering and Proceeds Act.

Neville ari kupomerwawo imwe mhosva pamusoro yekutyora mutemo wePostal and Telecommunications Act sezvo akawanikwa achishandisa dandemutande reStarlink risati rapihwa mvumo yekushandiswa munyika.

Mukuru wePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe kana kuti POTRAZ Doctor Gift Machengete vakaudza Studio 7 kuti Starlink inova kambani yeimwe shoroma yekuAmerica yakaberekerwa kuSouth Africa VaElon Musk yainge yanyorera kubazi ravo kuti inoda rezinesi rekushanda muZimbabwe.

Mukuru weZimbabwe Human Rights Association kana kuti ZimRights VaDzikamai Bere vaudza Studio 7 kuti vanhu havafanire kungonyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvinowanzoitwa mudare ramejastiriti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG