Accessibility links

Breaking News

Israel Yoramba Kuteerera Kurudziro yeAmerica Yekuti Isarwise muRafah


VaJoe Biden naVaBenjamin Netanyahu
VaJoe Biden naVaBenjamin Netanyahu

Isreal iri kuenderera mberi ichirwisa muguta reRafah muGaza asi ichishorwa zvakanyanya negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken.

VaBlinken vanoti mauto eIsrael haana hurongwa hwekuchengetedza vanhuwo zvavo vari muguta iri kuti vasaurayiwe.

Vanhu zviuru mazana matatu kana kuti 300,000, pavanhu vemuPalestine miriyoni imwe cherte nezviuru mazana matatu kana kuti 1,3 million vari muGaza vari muguta iri mavakapinda vachitiza mune dzimwe nzvimbo pakatanga hondo musi wa7 Gumiguru gore rapera

Forum

XS
SM
MD
LG