Accessibility links

Breaking News

Kudyidzana kweAfrica neAmerica Kwoita Zinyekenyeke


Mureza weAfrican Union
Mureza weAfrican Union

Nyaya dzekudyidzana nenyika dzemuAfrica haina kunyanya kukosha munyaya yekutsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti chero anenge akunda musarudzo iyi achasangana nematambudziko makukutu mukuyedza kuti America idyidzane zvakasimba neAfrica iyo ine vanhu bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri, kana kuti 1,2 billion.

Africa yakakura asi haifanire kutorwa sekunge nyika imwe uye ine zviwanikwa zvakawanda netsika nemagariro zvinoda kunzwisisika. Africa inewo nhoroondo yekurwira rusungunuko senyika dzakawanda dzakanonoka kuwana kuzvitonga kuzere. Asi kunyangwe Africa iri iyo ine huwandu hwevanhu huri kuwedzera zvakanyanya kudarika mamwe matunhu pasi rose. Africa haisi hayo mumatare anozeya nyaya dzakakosha pasi rino.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti munhu achapinda muWhite House, angave VaDonald Trump, vemaRepublicans kana kuti VaJoe Biden, vemaDemocrats, anoda kuti auye nehwaro hwakasimba mukudyidzana neAfrica munyaya dzezvehupfumi nekudzivirirwa kwenyika. Pachitariswa nhoroondo yekudyidzana neAfrica, VaTrump vanozivikanwa nekutukirira nyika dzemuAfrica neHaiti.

Anoongorora nyaya dzemuAfrica paForeign Policy Institute, VaMichael Walsh vanoti, “Munozviziva vakashandisa mashoko ekutukirira dzimwe nyika dzemuAfrica." Vatizve, "Asi pakudyidzana nenyika dzemuAfrica, VaTrump vakayedza kugadzirisa mamwe matambudziko ainetsa pano neapo. Asi hapana hapo zvikuru zvavakaita.”

VaBiden vakayedza kuita mushandirapamwe neAfrica, asi kazhinji kacho vanenge vainyanya kutarisa zviri kuitwa neRussia muAfrica uyewo vaikudza kubatsira Israel.

Nyanzvi munyaya dzekudyidzana nenyika dzemuAfrica, paCentre for Strategic and International Studies, VaCameron Hudson, vanoti, “Ndinofunga Africa iri kutarisa kudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika dziri muMiddle East, hondo iri muGaza semuenzaniso." Vatiwo, " Kutsigira kuri kuita America Israel kana kuti zvavari kutaura zvekuti nyika dzemuAfrica dzisadyidzana neRussia. Zviri kuitwa naVaBiden izvi hazvisi kupa kuti vawane vanasahirwa vakawanda muAfrica.”

Izvi ndizvo zvakaburitswa pachena neSouth Africa payakaendesa Israel kudare reInternational Court of Justice ichiti yainge yapara mhosva dzehondo mukuuraya vanhu vasina mhaka muGaza ichityora chibvumirano che United Nations’ Genocide Convention.

Asi hurumende yaVaBiden payakabvunzwa neVOA nezvenyaya iyi yakangoti hapana humbowo. Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti izvi zvinopa vamwe vasingawirirane neAmerica mukana wekupinda muAfrica nyore.

Mudzidzi wepaMiddle East Institute, ari kuita zvidzidzo zveEgypt nenyika dzekumabudazuva kweAfrica, Mirette Mabrouk anoti, “Unoda chiremerera ichocho nekuti imwe nyika yakabudirira inogona kungouya yotora mukana iwowo." VaMabrouk vatiwo, "Inongotika haiine nezvekodzero dzevanhu munyika dzepasi rino zvinova nyore kutanga kudyidzana.”

VaHudson vanoti panopera sarudzo, America ichasangana neAfrica yashanduka.

“Ndinofunga mutungamiri wenyika yeAmerica achasarudzwa achasangana nematambudziko akanyanya sezvo kudyidzana pakati peAfrica neAmerica kwaderera. Vatungamiri venyika dzemuAfrica vave kumira semusambangwena panyaya dzekodzero dzavo uye vari kutaura nezwi rimwe.”

Panogona hapo kuva nemukana wekuumbiridza hukama sezvo madzimai aVaTrump naVaBiden akamboenda kuAfrica kunyika dzinoti, Namibia, Egypt ne Malawi. VaBiden vakatumirawo mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris kuGhana, Tanzania neZambia.

Asi VaBiden naVaTrump havana havo kumbobvira vaenda kuAfrica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa naAnita Powell weVOA News, mukaiverengerwa neni Tanonoka Whande, VOA Studio 7, Washington DC.

Forum

XS
SM
MD
LG