Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votenda Ana Amai neMabasa Avanoita


Shungu Jani naAmai vake, Moira Rufaro Jani paMothers' Day
Shungu Jani naAmai vake, Moira Rufaro Jani paMothers' Day

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi kucherechedza zuva rekutenda mabasa anobatwa naanaAmai muhupenyu kana kuti Mother’s Day.

Vamwe vanoti iri izuva rekutendawo kana vanaambuya, tete, anaambuya nevamwe vanoita basa raamai muhupenyu.

Vakawanda vataura neStudio 7 vati vatengera anaamai vavo maruva, kuvaendesa kunzvimbo dzekudyira kana kuvatumira mari zvikuru vari kunze kwenyika. Vamwe vati havo vakundikana kutenga zvipo nekuda kwekuoma kwakaita hupenyu.

Zuva iri rine midzi muAmerica kubva muna 1870 apo munyori uye nyanduri Julia Ward Howe akakurudzira kuti paitwe zuva rekuchema nemadzimai ainge arasikirwa nevana nevarume vavo mukurwisana kwaiitika munyika iyi mumakore aya kana kuti “civil war”.

Diana Zimbudzana-Chambara
Diana Zimbudzana-Chambara

Amai Diana Zimbudzana Chambara vanoshanda neZimbabwe Exiles Forum vari kuSouth Africa vaudza Studio 7 kuti vana Amai vakakosha uye vanofanira kuremekedzwa mazuva ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG