Accessibility links

Breaking News

Mutsvangwa Anomiswa Pamberi peDare paMhosva yeKutengesa Mari paMusika Mutema


Neville Mutsvangwa, kurudyi, achisvika padare redzimhosva muHarare.
Neville Mutsvangwa, kurudyi, achisvika padare redzimhosva muHarare.

Mwanakomana wegurukota rezvemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa pamwe nemutauriri weZanu PF VaChris Mutsvangwa, Neville, amiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare achipomerwa mhosva yekutengesa mari pamusika mutema zvisiri pamutemo.

Ave mudare, Neville anonzi awedzerwa zvakare imwe mhosva yekushandisa masaisai ekambani yekuAmerica yeStarlink asina mvumo inobva kuPOTRAZ.

Neville nevamwe vake vaviri vaakasungwa navo neChitatu vanoti Ellias Majachani naSimbarashe Tichingana vachapedza usiku hutatu vari mujeri mushure mekunge mutongi wedare VaDennis Mangosi vati vadzoke zvakare kudare neMuvhuro unouya apo vari kutarisirwa kukumbira mukana wekuti vabhadhare mari yechibatiso.

Magweta ari kumumirira ekambani yemagweta yeTarugarira Sande Attorneys aramba kutaura nevatori venhau achiti haana kupiwa mvumo yekuti ataure kubva kuna iye Neville.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda vakazvimirira, VaPaidamoyo Saurombe, vanoti zviri kuitika izvi zvinogona kuratidza pachena mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo baba VaChris Mutsvangwa vakambobuda munguva yapera vachiti vanenge vachityora mutemo panyaya yemari yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG vanofanirwa kuti vasungwe.

"Zvakakosha kuti hurumende idzike mitemo inochengetedza huremu hwemari yemaZiG kwete kuramba vachisunga vanhu nekutyisidzira vanhu pamusoro pemafambisirwo emari yema ZiG iyi," VaSaurombe vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, hurumende nemusi weChina yakavandudza ichisimbisa mutemo wekufambiswa kwemari munyika weExchange Control Act.

Mutemo uyu uchasunga vemabhizimusi pamwe nevanhuwo zvavo vachawanikwa vasiri kushandisa mutengo wemari unenge wakatarwa nebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe wezuva iroro, vanenge vawanikwa vachityora mutemo uyu vachibhadhariswa maZiG anoita mazana maviri ezviuru (200 000 ZiG).

Forum

XS
SM
MD
LG