Accessibility links

Breaking News

Pova neMaonero Akasiyana paMashoko eKuti Pangangoita Nhaurirano pakati peCCC yaVaWelshman Ncube neZanu PF


VaSengezo Tshabangu vanozviti ndivo munyori mukuru weCCC.
VaSengezo Tshabangu vanozviti ndivo munyori mukuru weCCC.

Pave nemaonero akasiyanasiyana zvichitevera mashoko ekuti chikwata chebato reCitizens’ Coalition for Change chinotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube chiri kuronga kuuita nhaurirano dzekuumba hurumende yemubatanidzwa nebato reZanu PF.

Vamwe vana veZimbabwe vari kuti vanozvitambira nemufaro kana zvichiunza pundutso muhupenyu hwavo.

Asi vamwe vari kuramba kuzvitambira vachiti ingori nzira yekuti bato reZanu PF rirambe riri pachigaro nekuti ndiro rinenge riine masimba ose mumaoko.

Svondo rino vanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu, vakaudza Studio 7 kuti nhaurirano nebato reZanu PF dzakanangana nekuumba hurumende yemubatanidzwa dzingangotanga zviri pamutemo svondo rinouya, vachiti pari zvino panga paine kutaurirana kwanga kuripo, kunyange kwanga kusiri pamutemo.

Munyori mukuru weZanu PF, VaObert Mpofu vakatiwo kunyange hazvo paine mubatanidzwa wePOLAD, bato ravo rakasununguka kuita nhaurirano dzinoendesa nyika mberi.

Ukuwo, Chimwe chikwata cheCCC chakatiwo chichakamirira kudzoka kwevaimbove mutungamiri webato VaNeson Chamisa.

Asi vamwe muchikwata chaVaNcube naVaTshabangu vanoti kana CCC yakabatana sebato hapana chekupindira muhurumende yemubatanidzwa neZanu PF vachiti vega vanogona kukunda musarudzo zvine mutsindo.

Vamwewo vari kuona nyaya iyi sedambae vari kuti kana mapato anopikisa achimhanyira kuita nhaurira dzekubatana neZnau PF chii chinoatadzisa kubatana pachawo okwikwidzana nayo?

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti semaziviro avo, pari zvino hapana nhaurirano dziri kurongwa pakati peZanu PF neCCC, vachiti kana paine zviri kurongwa bato ravo rinozivisa vana veZimbabwe kuburikidza nemutauriri waro, VaChris Mutsvangwa.

Mutungamiri webato rinopikisa reNationalists Alliance Party uye vaive nhengo yePOLAD, VaDivine Mhambi Hove, vanotiwo nemaziviro avo mukushanda kwavaita neZanu PF kuPOLAD, harisi bato ringangobvuma kupinda muhurukuro, zvikuru pachitariswa kusiyana kwaro nechikwata chiri kunzi chiri kuda kuita nhaurirano nayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG