Accessibility links

Breaking News

Mwana waVaMutsvangwa Achamiswa Pamberi peDare Mangwana


VaChris Mutsvangwa
VaChris Mutsvangwa

Mapurisa atenda nhasi kuti akasunga Neville Mutsvangwa, mwanakomana wegurukota rezvemadzimai Amai Monica Mutsvangwa nevaimbova gurukota rezvevarwi verusungunuko variwo mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati Neville akasungwa pamwe chete naElias Majachani naSimbarashe Tichingana vachinzi vakatyora mutemo wekurambidza vanhu kutengesa mari pamukoto weBank Use Promotion and Suppression of Money Laundering Act, chapter 24, 24.

Vatatu ava vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vaudza Studio 7 kuti kazhinji nyaya dzevakuru muhurumende kana hama dzavo dzinozongotsikwa tsikwa.

Asi vatiwo zvave kuitika kumhuri yaVaMutsvangwa zvinogonawo kunge zvave zvematongerwo enyika.

Forum

XS
SM
MD
LG