Accessibility links

Breaking News

Vaimbova Meya weNew York VaBloomberg Vobatsira Bulawayo


Meya weBulawayo VaDavid Coltart vanoti guta ravo rakasarudzwa pakati pemamwe maguta emuAfrica kuti ribatsirwe nemari kubva kuhomwe yeAfrican Mayors Leadership Institute inotsigirwa neimwe shoroma yekuAm,Erica uye vaive meya weNew York VaMike Bloomberg.

Mari iyi iri muchirongwa chekusimudzira vechidiki munyaya dzekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti Bloomberg Philanthropies Youth Climate Action Fund.

Vachinyora padandemutande ravo reX, VaColtart vati vachashandisa mari iyi kuita zvirongwa zvekukurudzira vana vezvikoro kuti vaite zvidzidzo zvekuchenesa guta iri nekunonga maplastics anokanganisa zvakawanda.

Mamwe maguta asrudzwa muAfrica anosanganisira Accra-Ghana, Freetown-Sierra Leone, Lusaka Zambia, Nansana ne Masaka kuUganda, Quelimane kuMozambique uye Zanzibar-Tanzania.

Forum

XS
SM
MD
LG