Accessibility links

Breaking News

Bazi reDzidzo Rogadzira Hwaro hweKubatsira Vadzidzi neVana Vakaremara


Bazi redzidzo yepasi riri kugadzira hwaro huchabvisa zvimhingamupinyi nemapatambudziko anosangana nevarairidzi pamwe nevadzidzi vakaremara pabasa nemuzvikoro.

Mushandi mukuru muhofisi yachipangamazano panyaya dzevakaremera muhofisi yemutungamiriri wenyika, VaMackinon Chirinzepi, vaudza musangano wekunzwa pfungwa dzevashandi nevabereki pamusoro pehurongwa uhwu kuti donzvo guru rehurongwa uhu kuti vanhu vakaremara vararame pamwe nekuwana mikana sevamwe. VaChirinzepi, “Tinotarisira kuti hwaro hwatichabuda nahwo hutarise kuti vahu vane hurema vakafana nevamwe vanhu vese”

Vaenderera mberi vachiti, ‘Kana chiri chikoro zvivakwa zvechikoro kana zvese zvinowanikwa pachikoro kusanganisira nepavanogara panofanira kusvikika uye zvinofanira kuve nmyore kuti vasvike panzvimbo dzese idzodzo.”

Vamwe vari kupinda mumusangano uyu mushandi mubazi redzidozo yepasi kuMasvingo, Muzvare Agnes Memory Gurunhe, avo vati vanofara nehurongwa hwebazi ravo. Vati, “Tadzidza kuti vanhu vakaremara vanotenderwa kuvenevabatsiri uye vanofanira kupuhwa mukana wekutanga pakupinda mabasa. ”

Mumwe murairidzi asingaone, VaTawanda Nyathi, vepaChitandara Secondary kuMarondera zvakare vari nhengo yeZimbabwe Visually Impaired Teachers Union vaudza Studio 7 kuti tariro yavo ndeyekuti hwaro huri kuumbwaihu huchapedza matambudziko avakatarisana nawo akaita sekuti vanofungirwa kuti havakwanise kuita basa ravo remazvo. VaNyathi vati, “Vamwe vanenge vachikudongorera pahwindo chaipo kuti vaone kuti uri kudzidzisa zvakanaka here.”

Vatiwo vanodawo kudzidziswa kushandisa michina yechizvinozvino kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro cheKandava Parimary kwaSeke kudunhu reMashonaland East, Amai Patience Madimuka, vatenda bazi redzidzo nehwaro hwaririkuronga. Amai Madimuka vati, “Tiri kuona kuti munharaunda dzedu nemashandiro edu zvinhu zvave kujeka nekuti tave kuonekwavo sevanhu nekuti tinenge tave kushanda semashandiro anoitawo vamwe.”

Mukuru wechikoro cheSilobela High kuKwekwe, VaOwell Efas Hove, vaudza Studio 7 kuti chirongwa chiri kuitwa nebazi ravo chakanaka chose nekuti chinoita kuti vanhu vese vakaremara nevasina vashande pamwe nekusimudzira nyika.

Vaenderera mberi vachiti, “Tinotarisira kuti vachaenda vachinoumbiridzana vachionesana kukosha kwedzidzo nekusavharira vana mudzimba nekuti vakaremara.”

Vatizve, “Kubvira kotoro yapera takanetsana nenyaya dzekuti vana vakaremara vaingosiiwa vasingaite zvemitambo zvinoitwa nevamwe kunyangwe vainge vakabhadhara mari.”

Sachigaro wesangano rinomirira vabereki vevana vakaremara, reZimbabwe Parents of Handicapped Children, Amai Elizabeth Chidi, vati vanofara kuti bazi redzidzo ravapa mukana wekutaura zvichemo zvavo uye vanotarisira kuti zvichagadziriswa.

Bazi redzidzo yepasi riri kuronga hwaro kana kuti Policyuho huchaita kuti vashandi varo nevarairidzi pamwe nevadzidzi vakaremara vawane zvikwanisiro zvese zvinota kuti vakawanise kushanda nekudzidza zvakanaka. Bazi iri rinoti hurongwa uhu hunge huchifambirana nehurongwa hwehurumende, hweNational Disability Policy.

Hurumende nemusi wa9 Kukadzi 2021 yakaburitsawo mugwaro rayo Government Gazette bhiri rePersons with Disabilities richatsiva mutemo weDisabled Person Act kuti uenderane nezviga zveUnited Nations pakuremekedza kodzero dzevakaremara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG