Accessibility links

Breaking News

VaBiden naVaTrump Voshandisa Humhizha Hwechizvinozvino Kana Kuti AI Kutsvaga Rutsigiro


VaJoe Biden naVaDonald Trump s
VaJoe Biden naVaDonald Trump s

Musarudzo yemutungamiri wenyika yegore rino, vari kukwikwidzana mutungamiri wenyika VaJoe Biden naVaDonald Trump vari kushandisa humhizha nehumhetura hwechizvino zvino kana kuti Artificial Intelligence-AI kutsvaga rutsigiro.

Kune vari kutsvaga rutsigiro, kushandisa humhizha nehumhetura mukuburitswa kwemashoko kana kuti AI inzira iri nyore kuzvishambadza kune vanhu vakawanda uye zvisingadi mari yakawanda

Scott Babwah Brennen anoona nezvekufambiswa kwemashoko enhema nezvekuzvishambadza munyaya dzezvematongerwo enyika paUniversity of North Carolina anoti. Zvirongwa zvekushandisa zvechizvino zvino munyaya dzekuburitswa kwemashoko zviri kushanduka zvakanyanya. Zvae kutoita kunge svondo roga roga kune zvitsva zvinobuditswa.”

Izvi zvinobatsira zvakanaka kutsvaga rutsigiro nyika yose. Betsy Hoover anoona nezvematongerwo enyika anotiwo kana musarudzo dzemumatunhu zvinobatsira,Funga kuti kana munhu achitsvaga rutsigiro asina vanoziva zvemadandemutande, zvichireva kuti haasi kutsvaga rutsigiro pamadandemutande. Mazuva ano zvave nyore kushandisa humhizha hwechizvinozvino kutumira mashoko pamadandamutande. Humhetura hwechizvino zvino hunobatsira kutsvaga rutsigiro.”

Kambani yaAmai Hoover inobatsira kugadzira michina nehumhizha kubato remaDemocrats nevanoritsigira. Anoti chakakosha kuziva munyaya dzezvematongerwo enyika kuti, “Kuzviita nenzira kwayo kwakakosha. Handizive hangu kuti vebato remaRepublicans vanozvifambisa sei. Asi chandinoziva ndechekuti semaDemocrats tichashandisa michina iyi zvine mwero. Handitye hangu kuti tichsasarira kumashure asi chakakosha ndechekuti tiri kushandisa AI zviri pamutemo uye zvine hunhu.”

Muna 2016, vaitsvagira VaTrump rutsigiro vakashandisa madandemutande zvakanyanya. Vaishanda nekambani yekuBritain yeCambridge Analytica kuti vakwanise kutsvaga rutsigiro kumunhu nemunhu sezvo vainge vatsvagiridza nezvenhoroondo yake.

Aive mukuru mukutsvagira VaTrump rutsigiro gore rino, VaBrad Parscale anoti kambani yake yeCampaign Nucleus ndiyo iri kushambadzira VaTrump padandemutande ravo.

VaParscale akaudza vanotsigira bato raVaTrump reFreedomFest kuti humhizha hwechizvino zvino kunokwanisa kubatsira kutsvagurudza nezvemunhu anovhota otumirwa mashoko anoenderana nezvaanoda chaizvo zvotumirwa kunharembozha yake. AnotI, “Mumakore anotevera, tichaona vanhu vanenge vachitsvaga rutsigiro vachishandisa nharembozha dzavo kutumira mashoko kuvatsigiri vavo kutsambambozha dzavo, kutsvaga rutsigiro.”

Havasi vari kutsvaga rutsigiro chete vasina kugadzikana mupfungwa nehumhizha hwechizvino zvino uhu sezvo vanhu vakabvunzwa nemasangano anoongorora mafungiro evanhu anoti American Press Institute neAssociated Press anoti vanhu zviuru zvikamu makumi mana nemaviri kubva muzana kana kuti 42% vemuAmerica anoti anoshandisa humhizha hwekufambiswa kwemashoko kuburitsa nyaya dzemanyepo munguva yesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns weVOA, maiverengerwa neni Tanonoka Whande weStudio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG