Accessibility links

Breaking News

Vanorwara neChirwere cheShuga Vorangarirwa kuMasvingo Vachirapwa Pachena


Murwere weshuga achitariswa nemukoti.
Murwere weshuga achitariswa nemukoti.

Vanorwara nechirwere cheshuga kuMasvingo vanoti vari kufara nerubatsiro rwavari kuwana kubva kusangano reSolidArmed, iro riri kubatsira vanhu mazana mapfumbamwe pachena.

Sangano iri rinowana rutsigiro kubva kunyika yeSwitzerland uye iye zvino vanhu vari kubatsirwa paMasvingo Provincial Hospital, Mashoko Christian Hospital neNdanga District Hospital.

Mumwe anoshanda nesangano iri,uye arizve nhengo yeNoncommunicable Diseases and Injuries Poverty Network, VaTinotenda Dzikiti, vari kukurudzira vane chirwere cheshuga nezvimwewo zvinoda rubatsiro kuti vaende kuzvipatara zvekuMasvingo.

VaDzikiti vanoti vari kurarama nechirwere ichi pari zvino uye vari kushandisa ruzivo rwavo mukuyedza kudzidzisa vamwe, kunyanya vanoshaya, pamusoro pekukoshesa kuwongororwa chirwere ichi nekupanga kutora mishonga wekuti vararame zviri nani.

"Ini ndiri mumwe weavo vanotora mishonga yeshuga uye ndiri kushandisa ruzivo rwangu pasi pechirongwa cheVoice For Pen-Plus Advocate mukuyedza kuparadzira ruzivo urwu kune veruzhinji vari kutarisana nedenda nechirwere cheshuga, nyanya vasina mari yekuwongororwa kana kurapwa. Sangano randiri kushanda naro rinopa zvakare mishonga pasi pechirongwa chiri kuitwa kuMasvingo pari zvino," VaDzikiti vaudza Studio7.

VaDzikiti vanoti pari zvino vakatobva kune mumwe musangano mukuru wange uchiitwa kuTanzania wanga uchizeya pamusoro pezve nzira itzva dzekurapa chirwere cheshuga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG