Accessibility links

Breaking News

ZITF Yononoka Kuvhurwa Zviri Pamutemo Sezvo Mutungamiri weKenya VaRuto Vatanga Kuenda kuTanzania Kumhemberero.


Mutungamiri We Nyika Ye Kenya Va William Ruto
Mutungamiri We Nyika Ye Kenya Va William Ruto

Sachigaro webhodhi reZimbabwe International Trade Fair kana kuti ZITF VaBusisa Moyo vazivisa kuti kuvhurwa zviri pamutemo kwemusika mukuru wekutengeserana uyu kuchaitwa nemusi weMugovera kwete Chishanu sezvo mutungamiri weKenya VaWilliam Ruto vati vave kunonoka kusvika muZimbabwe.

Mutauriri waVaRuto, VaHussein Mohamed vazivisa vatori venhau kuti VaRuto vasimuka munyika mavo nhasi uye vatosvika kuTanzania uko kuri kuitwa mhemberero dzechimakumi matanhatu dzekubatana kweTanzania nechitsuwa cheZanzibar.

VaMohamed vati kana VaRuto vabva kumhemberero idzi ndipo pavachazoshanyira Zimbabwe kwemazuva maviri. Asi chirongwa cheZITF chiri kuenderera hacho mberi nhasi.

Hofisi ye muzinda we America muZimbabwe inoona nezve kudyidzana neveruzhinji ye USA Embassy Public Diplomacy Section ne sangano re The History Natural Museum of Zimbabwe vakokera nhaurirano pamusoro p zvipfuyo, zvirimwa nezvimwe zviwanikwa, kana kuti "tracking biodiversity intactness across Zimbabwe's Dynamic Savanna".

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Elaine French vati vari kutsigira zvirongwa zvakasiyana siyana muzvirongwa izvi zviri kuitwa nevadzidzi nehurumende.

Zvichakadaro mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi vataurawo semunyarikani akakokwa kumusangano weConnect Africa Symposium waitwa nhasi.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanga variwo kumusangano wekuparurwa gwara rezvemasango kana kutiNational Forestry Policy. Mutauriri we sangano re Forestry Commision of Zimbabwe Muzvare Violet Makotore, vati vafara nekuparurwa kwe gwaro iri.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson vari kutarisirwa kusvika kuBulawyo nhasi. Misangano yeZITF ichapera nemusi weMugovera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG