Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi vemuAmerica Voratidzira Vachitsigira Vanhu vemuGaza


ISRAEL-PALESTINIANS/USA-PROTESTS
ISRAEL-PALESTINIANS/USA-PROTESTS

Vadzidzi mune zvimwe zvikoro zvepamusoro soro muAmerica vari kuratidzira vachitsigira zvizvarwa zvePalestine zviri muGaza umo muri kurwiswa neIsrael.

Israel iri kupomerwawo mhosva yekuuraya vanhu vasina mhaka muGaza.

Vanhu vemuGaza vanodarika zviuru makumi matatu nemana, kana kuti 34,000, kunyanya vana nemadzimai, vaurayiwa nemauto eIsrael kubva zvatanga hondo musi wa 7 Gumiguru gore rapera.

Israel inoti iri kutsiva kurwiswa kwayakaitwa nechikwata cheHamas pakaurayiwa vanhuwo zvavo chiuru chimwe chete nemazana maviri, kana kuti 1,200, vamwe vakapambwa.

Vadzidzi ava vanoti America haifanire kuramba ichitengesera Israel zvombo zvehondo zviri kushandiswa kuuraya vanhu.

Hurumende yeAmerica inoti inomira neIsrael kunyangwe isiri kuwirirana nekuurayiwa kwevanhuwo zvavo nekurambidza vanopa chikafu kupinda muGaza kunonzi kuri kuitwa neIsrael.

Zvikoro zvine vadzidzi vari kuratidzira zvinosanganisira Columbia, Yale, New York University, UC Berkely neUniversity of Michigan.

Chimwe chezvikoro izvi, California State Polytechnic University, iri munzvimbo yeHumboldt, yavharwa nekuda kwekusagadzikana kwezvinhu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paIndiana University of Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti vadzidzi ava vanoda kuti hupenyu hwevanhu vePalestine huchengetedzwe uye kuti vave nenyika yakasungunyuka.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden, vari kushora vamwe vari kuratidzira ava vachiti vave kuita zverusarura kune vechiJew.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG