Accessibility links

Breaking News

VaTrump Voramba Mhosva Yavari Kupomerwa yeKubhadhara Mari yeVhara Muromo


VaDonald Trump vari mudare muNew York musi wa April 22, 2024.
VaDonald Trump vari mudare muNew York musi wa April 22, 2024.

Nyaya iri kupomerwa vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump yekuti vakabhadhara mumwe mudzimai anoita zvemafirimu epabonde Stormy Daniels mari yevhara muromo yatanga kunzwikwa mudare remuNew York nhasi. Aka ndekekutanga aimbova mutungamiri wenyika yeAmerica achimiswa pamberi pedare.

Gweta raVaTrump, VaTodd Blanche, mumashoko avo mudare enhanganyaya, varamba kuti VaTrump vane mhosva yavakapara vachiti nyaya iyi yaisatombofanira kuunzwa kudare.

VaBlanche vatiwo chapupu chehurumende uye vaimbova gweta raVaTrump, VaMichael Cohen, munhu anoreva nhema uye akambosungwa.

Asi muchuchusi wehurumende, VaMatthew Colangelo, vaudza dare kuti vane humbowo hwakasimba hwekuroverera VaTrump uye vachiti, vachunza zvapupu kuzosimbisa nyaya yavo.

Vati VaCohen vane pavaipotsa havo asi zvakawanda vaizviitira kudzivirira VaTrump kuti vasasungwe.

Vachuchusi vehurumende vasheedza mufakazi wavo wekutanga, VaDavid Pecker, avo vati vaimbova sachigaro wekambani yebepanhau reNational Enquirer vakavimbiswa nehurumende kuti havasungwi kana vakapa huchapupu pamusoro pavaTrump kudare.

VaPecker vachaenderera mberi nekupa huchapupu mangwana mangwanani, Chipiri.

Mangwana kwakare, dare richachanzwavo imwe nyayazve inopomerwa VaTrump yekurambidzwa kutuka jaji nemhuri yake uye vanhu vanoshanda mamahofisi vachifambisa kutongwa kwaVaTrump.

Gweta, VaKennedy Masiye vanoshanda nesangano reAll Hands on Justice vanoti iyi inyaya inogona kupinza VaTrump mujeri, izvo zvinogonavo kukonzera kuti vabude mumakwikwi esarudzo yemutungamiri wenyika.

Asi VaTrump vaudza vatori venhau panze pedare kuti havana mhosva yavakapara uye zviri kuitwa kuda kuvakanganisa kutsvaga rutsigiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG