Accessibility links

Breaking News

RBZ Inoti MaZiG Adhindwa Ose muNyika Kwasara Kuparurwa Svondo Rinouya


ZIMBABWE-CURRENCY-GOVERNMENT
ZIMBABWE-CURRENCY-GOVERNMENT

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mushayavanhu vanoti mari itsva yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG yapera kudhindwa uye yangomirira kuparurwa zviri pamutemo nemusi weChipiri svondo rinouya.

Parizvino, mari iyi iri kutenderera pamadandemitande cheye kana kuti "electronic transfer."

Mari iyi inonzi yakadhindirwa munyika. VaMushayavanhu vazivisa izvi muhurukuro yavo nebepanhau reSunday Mail nhasi.

Asi mari iyi yatotanga kukonzera gakava guru munyika vamwe vachiti kungopedzera hoko padehwe retsindi sezvo ichangoshaya simba sedzimwe mari shanu dzakabhodhindwa nenyika zvikakona n’anga murapa achida.

Asi Doctor Mushayavanhu vanoti vane chivimbo chekuti mari iyi inoshanda vachivimbisa kuti havasi kuzodhinda yakawandisa sezvaiitwa nebhanga iri kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vanoti mari itsva iyi yatotanga kushaya simba isati yanyotsoparurwa uye vanoti havana chivimbo chekuti pane musiyano nezvaiitwa kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG