Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoronga Kuchengetedza Nzvimbo dzeMakuva Zvichitevera Kuputswa kweMamwe kuWarren Hills


Meya veHarare VaJacob Mafume
Meya veHarare VaJacob Mafume

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vanoti kanzuru yavo yave kutora matanho ekuchengetedza nzvimbo dzinoradzikwa vafi dziri pasi pekanzuru yavo zvichitevera kuparadzwa kwemakuva anodarika zana emusha werunyararo weWarren Hills Cemetary svondo rino.

VaMafume vanoti zviitiko zvekuputswa kwematombo epamakuwa izvi zvinhu zviri kuvashusha zvikuru nekuti vari kushaya zvikonzero zvingadai zvakaita kuti vanhu vakaita izvi vadaro, uye vari kuferefeta kuti ndiani angadai akaita izvi uye achizviitireyi?

Asi vanoti zvinogona kunge zvakaitwa nevanhu vanonzi vari kutora mapfupa evafi vachisanganisa nezvinodhaka kana vanogadzira matombo epamakuva kana kuitwa nevanhu vane misikanzwa yekungonakidzwa nekuparadza.

Vanoti mapurisa ekanzuru achange achiiswa munzvimbo dzose dzine makuva ekanzuru yeHarare vachifamba famba vachichengetedza makuva aya, ayo vanoti ane matombo anodhura kwazvo.

VaMafume vanotiwo kanzuru yavo iri mushishi kugadzirisa kuti guta reHarare ridzokere parinozivikanwa napo pekuchengetedzeka vachiti vakatopa yambiro kuvaridzi vezvivakwa zvaparara vanosvika mazana mashanu kuti vazvigadzirise, kukundikana kwavo zvivakwa izvi zvovharwa.

Meya vanotiwo mapurisa avo change achichengetedza veruzhinji kubva kumbavha dzinonzi dziri kutadzisa vanhu kufamba vakasununguka pamwe nevamwe vanhu vari kuisa tsvina pose pose, izvo vanoti zviri kukanganisa chimiro cheguta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, VaReuben Akili, vanoti vanotarisira kuti kanzuru ichamira neshoko rayo rekuti ichachengetedza nzvimbo dzine makuva idzi.

VaAkili vanoti aka hakasi kekutanga kuti makuva ari munzvimbo dzekanzuru akanganiswe, vachiti kunzvimbo inonzi neveruzhinji kuMbudzi vanochera jecha rekutengesa vanogarokanganisa makuva.

Vari kukurudzirawo kanzuru kuti itore matanho ekuchengetedza makuva sezvaiitika kare zvekucheka uswa nekudiridzira tsangadzi nemiti, vachiti iye zvino makuva araswa nekanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG