Accessibility links

Breaking News

PaZuva reKuwana Kuzvitonga Kuzere VaMnangagwa Vanoti Hupfumi Huri muGwara Asi Vamwe Vanoti KuMawere


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa .
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa .

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hupfumi hwenyika huri kusimukira nenzira inonwisa mvura, naizvozvo veruzhinji vanofanira kubatirana pamwechete nehurumende yavo pamatanho ese airi kutora ekusimbaradza hupfumi uhwu.

Vataura mashoko aya nhasi pagungano rekupemberera makore makumi mana nemana ekuzvitonga kuzere kweZimbabwe.

Vachitaura kuzviuru zvevanhu zvaungana panhandare yeUhera kuBuhera mudunhu reManicaland, VaMnangagwa vati kunyange zviripo zvinetso zvakamomotera nyika, hurumende yavo inofanira kuroverwa maoko nekuti yasimudzira hupenyu hwevanhu vemunyika.

"Ngatirambei takabatana, tichienderera mberi nekuvaka nyika yedu, tichitondera kuzvipira kwemagamba akatisunungura. Hatifaniri kumira kushandira nyika iyi, kuti kuita zviri nani kwehupenyu hwedu kuenderere. Kubva Plumtree kuenda Mutare, Zambezi kusvika Limpopo, ngatirambei takashinga."

Vaenderera mberi vachiti mari itsva yenyika yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG yakaparurwa mavhiki maviri adarika ichashandura hupenyu hwevanhu.

"Iyi imari yedu. Tose tine musenzekete wekuitambira nekuti ichabatsira kudzikamisa hupfumi hwenyika. Takaisawo mamwe matanho achafambidzana nekuparurwa kwemari iyi kuti ruzhinji rurerukirwe pakuishandisa."

Panyaya yenzara yakatarisana nemamiriyoni evanhu vmunyika nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura, mutungamiri wenyika ati hakuna munhu achafa nenzara sezvo hurumende yavo iri kutsvaga rubatsiro.

Asi vaimbove mutauriri webato reCCC, VaOstallos Siziva, vanoti havaoni mari itsva iyi ichizoshanda munyika nekuti vanhu havana chivimbo nayo.

"Nyaya iripo ndeyekugadzirisa zvinhu zvakafanana nekuita sarudzo dzakachena, uyewo kuva negoridhe rakawanda, kwete shoma ratinaro iro. Nyika yedu inofanirawo kukwanisa kugadzira zvinhu zvatinozotengesawo kune dzimwe nyika, kwete kungotenga isu chete kune vamwe. Mitemo ine chekuita nezvehupfumi inofanira kugadziriswa."

Kunyange nyika yapemberera makore makumi mana nemana ekuzvitonga kuzere, Zimbabwe ichiri yakatarisana nezvinetswa zvakawanda zvinosanganisira zvehutano, kushaikwa kwemabasa, kushomeka kwezvikoro uye kutorwa zvakanyanya kwezvinodhaka.

Mudzimai wechidiki anogara kuNyanga, Muzvare Patience Chamboko, vanoti yakasununguka hayo Zimbabwe, asi madzimai achiri kudzvinyirirwa.

"Zviri kunetsa ndezvekuti hatisi kuwana mikana yekushanda. Ini ndine degree rangu asi zvakaoma. Ukati utsvage basa, unosvika zvichinzi tanga wandida kuti zvako zviite. Ndiko saka muchiona vamwe vachizopindana nekutengesa bonde senzira yekutsvaga kurarama."

Mhemberero dzanhasi dzaonawo vamwe vakuru vemapato anopikisa vanosanganisira VaSengezo Tshabangu, mumiriri weKuwadzana East muparamende VaChalton Hwende naVaWelshman Ncube vebato reCCC pamwe naMuzvinafundo Lovemore Madhuku veNCA, vachivepowo vachisangana nevamwe.

VaTshabangu, avo vanozviti ndivo munyori mukuru wechimwe chikwata chebato reCCC uye vari Seneta, vanoti havaneyi nevanovashora nekuenda kwavo kumagungano akadai.

"Ivo vanoti tisauye kumhemberero dzakadai, ndidzo mhandu dzenyika. Magamba enyika paakaenda kuhondo vakarwira Zimbabwe isina kuti maNdebele kana kuti maShona. Isu tinorwisana neZanu PF pese patinopokana nemaitiro avo."

Gweta, uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Amai Jacqueline Sande, vanoti mashoko aVaMnangagwa ekuti zvinhu zvava kugadzikana munyika haaratidze chimiro chaicho chezviri kuitika munyika.

"Vanhu vashoma ndivo vari kuwana chouviri kubva kuzviwanikwa zvenyika- vekunze neavo vane zvigaro zvikuru muhurumende. Zvinoita kuti tizoti hapana chekupemberera kuzvitonga kuzere kana zvakadai. Zvakakosha kuti pakwanise kugadzirisika ipapo, kuitira kuti munhu wese adyewo huchi nemukaka hwenyika yake."

Asi nhengo yeZanu PF vachimiririra Bikita South muparamende, VaEnergy Mutodi, vanoti pane zvakawanda zvekupemberera zvaitika kubva nyika yawana kuzvitonga kuzere muna 1980.

Asi pazoita kushushikana kwevazhinji pamhemberero dzanhasi idzi mushure mekubuda kwemashoko ekuti pane mudzimai nemwana varasikirwa nehupenyu hwavo mushure mekutsikirirana kwevanhu panga pachigoverwa hupfu pachena panzvimbo yanga ichiitirwa mutambo wanhasi uyu.

Kunyange Studio 7 yataura nevazhinji vaona zvitunha zviviri izvi uyewo yaona mota inotakura zvitunha yeDoves, ichisvika paArena B panonzi ndipo paitikira tsaona iyi, mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati havana zverufu zvavanga vati vanzwa panguva yatavabata.

Mhemberero dzanhasi dzanga dzichiitwa pasi pedingindira rine chekuita nekubatana uye kupundutsa nyika pakatariswa muono wa2030, kana kuti, Zim @44: Unity, Peace and Development Towards Vision 2030.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG