Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzira Hutongo hweJekerere muZimbabwe


Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken.
Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken, vakorokotedzawo Zimbabwe nekusvitsa makore makumi mana nemana yawana kuzvitonga kuzere nhasi.

VaBlinken vati nyika yavo yakazvipira kudyidzana neZimbabwe asi vachikurudzira hutongo hwejekerere nekuremekedzwa nekonzero dzevanhu.

America yakatemera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe gumi zvirango ichivapomera mhosva yekuita zvehuori nekutonga nedemo.

Asi hurumende iri kuramba izvi ichiti zvirango zvakatemerwa nyika mushure mekutora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Sachigaro webato reZanu-PF mudunhu reBritain VaXavier Zavare vaudza Studio 7 kuti America haifanire kuudza Zimbabwe zvekuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTswane University of Technology, Muzvinafundo vaudzawo Studio 7 kuti zvakakosha kuti Zimbabwe itererewo zvairi kukurudzirwa kuita zvekuremekedze kodzero dzevanhu vayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mubatanidzwa wemasango akazvimirira oga weCrisis In Zimbabwe Coalition waburitsawo mashoko ekukorokotedza nyika pazuva rekuwana kuzvitonga kuzere asi richisimbisa nyaya yekuti hurumende iremekedze kodzero dzevanhu nekurwisa huori hwapa kuti nyika inange kumawere.

Forum

XS
SM
MD
LG