Accessibility links

Breaking News

UN Yoyambira Kuti Kunze kweNzara Zimbabwe neVavakidzani Vayo Vatarisana neDambudziko reZvirwere Zvekushaya Mvura Yakachena


Mutaururi wemunyori mukuru weUnited Nations VaStephane Dujarric vanoti vari kushushikana zvikuru nemamiriro aita zvinhu mudunhu reSADC nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura.

Vanoti kunze kwenzara yapfunya chisero mudunhu iri, vave kutyira kupararira kwezvirwere zvakaita secholera netyphoid nekushaikwa kwemvura yakachena.

Kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa nevatungamiri veZambia nemalawi vakati vari kuda rubatsiro rwechikafu, kuchiwana kuchati netsei sezvo vanobatsira vewfp vari kuti pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni mazana matatu nemapfumbamwe kana kuti 309 million vari kuda chikafu gore rino asi huwandu uhu huchikwanisa kuwedzera.

Izvi zvinosanganisira nyika dzine hondo dzakaita seSudan, Palestine, Ethiopia nedzimwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti rino igore rakaoma kuZimbabwe nekuti vanoda rubatsiro vakawanda pasi rose uye hurumende yakatora nguva yakareba ichiti yakazadza matura iyo iine nhava izere mhepo.

Forum

XS
SM
MD
LG