Accessibility links

Breaking News

Kusajekeserwa paMusoro peMari Iri Kushanda muNyika Pari Zvino Kwokonzera Kuvhiringika Mune Veruzhinji


Vezvitoro, matollgate nemichovha vanonzi vari kuramba dhora remunyika rakare vachida mari yekunze.
Vezvitoro, matollgate nemichovha vanonzi vari kuramba dhora remunyika rakare vachida mari yekunze.

Zvichitevera kuparurwa kwemari itsva yeZiG neReserve Bank of Zimbabwe svondo rapera, vamwe vemabhizimusi madiki, vanotengesera mumigwagwa, vanozviitira mabasa emaoko, vema tollgate pamwe nevemichovha vanonzi vave kuramba kutambira mari yanga ichishanda munyika yeZimbabwe Dollar.

Izvi zviri kuuya panguva iyo vekomisheni inochengetedza vatengi yeConsumer Protection Commission, yakabatana nemapurisa pamwe neveFinancial Intelligence Unit, vari kunzi vaparura chirongwa chekuona kuti vemabhizimusi vari kutambira here mari tsaru yemunyika kusvika ZiG yave kushandiswa zvizere.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti zvose izvi zviri kukonzerwa nekushaikwa kwedzidziso neruzivo rwezere pamusoro pemari itsva nemari tsaru idzi kune veruzhinji.

Rimwe sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti rakatoodzwa mwoyo nekuparurwa kwemari itsva nehurumende pasina kutanga yapawo mukana kune veruzhinji kuti pfungwa dzavo dzinzwikwewo.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti nekuda kwaizvozvo havaoni danho rehurumende iri richizobatsira vashandi pamwe neveruzhinji.

Izvi zvinotsinhirwa nenyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoti kusavepo kwekujeka pamusoro pemashandiro emari idzi kwaunza kusagadzikana nekuvhiringika mune veruzhinji.

"Tamboita meeting nevebhanga reCentral Bank. Vanga vachingoedzawo kutsinhira kuti aiwa iwa ichiri kushanda iyi. Imari inofanirwa kunge ichigashirwa kusvikira maZimbabwe Gold azoparurwa.

"But vanhu vazhinji havasi kuzvigamuchira. Vakutotanga kunge vachiaramba. I think panotoita dambudziko ipapo nekuti mari kuti inge ichishanda kunge yagamuchirwa neveruzhinji," vanodaro Doctor Chitambara.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University mudunhu reOhio, muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotiwo nekuparura mari itsva yemunyika, hurumende yakazadzisa kurudziro yebhanga repasi rose reWorld Bank pamwe neI-M-F, yekuti nyika ive nemari yayo yakasimba, asi chasara ndechekuona kuti mari itsva yazoparurwa iyi yeZiG ichatambirwa here neveruzhinji.

Kubva zvaparurwa mari itsva iyi, vezvitoro zvikuru vanonzi vatotanga kutara mitengo yavo iri muma ZiG, kunyange hazvo asati ave kubatika mumaoko.

Vari kutenga pari zvino vanonzi vari kushandisa makadhi ekumabanga pamwe nemari dziri munharembozha, asi vachinzi vari kupiwa chenji iri muzviwitsi, zvinyoreso kana twumwe twudiki.

Mari itsva yeZiG inonzi ichatanga kutenderera munyika musi wa 30 mwedzi uno. Vemabhanga vanonzi vakatopedza kuvandudza michina yavo kuti ifambidzane nemari itsva iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG