Accessibility links

Breaking News

Rwanda Yorangarira Vanhu veRudzi rweChiTutsi Vanodarika Zviuru Mazana Masere (800,000) Vakapondwa muna 1994


Vanhu ava vakapondwa vapotera mukereke yeRoman Catholic muna 1994 kuNyamata, Rwanda.
Vanhu ava vakapondwa vapotera mukereke yeRoman Catholic muna 1994 kuNyamata, Rwanda.

Rwanda nhasi iri kurangarira makore makumi matatu kubva zvaurayiwa vanhu vanoda kusvika zviuru mazana masere kana kuti 800, 000 verudzi rwechiTutsi kunyanya neverudzi rwechiHutu.

Kupondwa uku kwakatanga mushure mekunge ndege yainge yakatakura mutungamiri wenyika iyi VaJuvénal Habyarimana yadonhedzwa muKigal. Vrudzi rwechiTutsi ndivo vakapomerwa mhosva yekuuraya mutungamiri wenyika zvakabva zvatanga kurwiswa kwavo.

VaPaul Kagame
VaPaul Kagame

Vamwe verudzi rwechiHutu vaiopikisa kuurayiwa kwemaTutsi vakaurayiwawo.

Mutungamiri weRwanda VaPaul Kagame vatungamira hurongwa hurongwa hwekurangarira vanhu ava nhasi uye vamwe vange varipo mutungamiri wenyika yeAmerica VaBill Clinton, mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa uye mutungamiri wenyika yeIsrael VaIsaac Herzog.

VaClinton naVaCyril Ramaphosa
VaClinton naVaCyril Ramaphosa

VaClinton avo vaive mutungamiri wenyika panguva iyi vanoti vachiri kusushukana mupfungwa nekutadza kutumira mauto kunomisa kupondwa kwevanhu uku.

Forum

XS
SM
MD
LG